Ndinoɗanidzira nenzwi raŋgu kunaJehova; Nenzwi raŋgu ndinonyeŋgetera kunaJehova. Ndinoɗurura kucema kwaŋgu pamberi pake; Ndinomuziʋisa kutambudzika kwaŋgu. Paŋguʋa yokumanikidzwa kwomŋeya waŋgu mukati maŋgu, makaziʋa nzira yaŋgu. Panzira yandinofamba nayo ʋakandiʋanzira musuŋgo. Tarirai kurudyi rwaŋgu, muʋone; nokuti hakunomunhu unondiziʋa; Ndashaiwa ʋutiziro; hakunomunhu unehanya nomŋeya waŋgu. Ndakaɗanidzira kwamuri, Jehova; Ndakati: Ndimi ʋutiziro bgaŋgu, Nomugoʋe waŋgu panyika yaʋapenyu. Tererai kuɗanidzira kwaŋgu; nokuti ndinoshaiwa simba kwaɀo; Ndirwirei panaʋanonditambudza; nokuti ʋanondikurira nesimba. Ƃuɗisai mŋeya waŋgu patoroŋgo, kuti ndiʋoŋge zita renyu; Ʋakarurama ʋacandipoteredza; Nokuti mucandiitira ɀakanaka kwaɀo.
Verenga chikamu Mapisarema 142
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mapisarema 142:1-7
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo