Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

ƲaFiripi 3:1-10

ƲaFiripi 3:1-10 SUB1949

Pakupedzisira, hama dzaŋgu, farai munaShe. Ini handinetswi nokukunyorerai ɀe ɀinhu ɀiya, asi ɀinokusimbisai imi. Ityai imbga, ityai ʋaɓati ʋakaipa, ityai ʋokuceka; nokuti isu tiri ʋokudziŋgiswa, tinonamata noMŋeya waMŋari, tinoɀirumbidza munaKristu Jesu, tisiŋgaʋimbi nenyama, kunyaŋge ini haŋgu ndiŋgaʋimba nenyama; kana kunomumŋe munhu unoti ndinoʋimba nenyama, ɀikuru ini. Ndakadziŋgiswa nomusi worusere, ndiri worudzi rwaʋaIsraeri ʋeimba yaBenjamini, muHeberu waʋaHeberu; pamurairo ndiri muFarise; pakushiŋgaira kwaŋgu, ndaitambudza kereke; pakururama kunorebga nomurairo ndakaŋga ndisina‐candiŋgapomerwa. Asi iɀoɀo, ɀaiʋa fuma kwandiri, ndakati ndiko kurashikirwa hako nokuɗa kwaKristu. Hoŋo, ɀirokwaɀo, ndinototi ɀinhu ɀose kurashikirwa hako nokuɗa kwokunaka kwokuziʋa Kristu Jesu, Ishe waŋgu, wandakarashikirwa neɀinhu ɀose nokuɗa kwake, ndikaɀiidza marara, kuti ndiwane Kristu; ndiwanikwe maari, ndisina‐kururama kwaŋgu kuri kwomurairo, asi kuri kwokutenda kunaKristu, ndiko kururama kunobva kunaMŋari nenzira yokutenda; kuti ndimuziʋe iye, nesimba rokumuka kwake, nokusoŋgana naye pamaɗambudziko ake, ndifanane naye pakufa kwake

Verenga chikamu ƲaFiripi 3