Ɀino Jehova akati kunaMosesi: Ʋanhu aʋa ʋacandiɀidza kuȿikira riniko? Ʋacaramba kunditenda ini kuȿikira riniko, neɀishamiso ɀose ɀandakaita pakati paʋo? Ndicaʋaroʋa neɗenda, nokuʋatorera nhaka yaʋo, ndikuite iwe rudzi runoʋakunda iʋo noʋukuru nesimba. Mosesi akati kunaJehova: ƲaEgipita ʋacaɀinzwa, nokuti makaɓuɗisa ʋanhu aʋa pakati paʋo nesimba renyu; ʋacaʋudza ʋanhu ʋagere munyika ino iɀoɀo; iʋo ʋakanzwa kuti imi Jehova muri pakati paʋanhu aʋa, nokuti imi Jehova munoʋonekwa naʋo pacena, gore renyu rinomira pamsoro paʋo, nemi munoʋatuŋgamirira masikati neshoŋgwe yegore, noʋusiku neshoŋgwe yomŋoto. Ɀino kana mukaʋuraya ʋanhu aʋa ʋose‐ʋose, ndudzi dzaʋanhu, dzakanzwa mukurumbira wenyu, dzicataura, dziciti: Jehova wakaŋga asiŋgagoni kuisa ʋanhu aʋa kunyika yaakaŋga aʋapikira, saka wakaʋaʋuraya murenje. Ɀino ndinokumbira kuti simba raShe waŋgu riʋe guru, seɀamakataura, muciti: Jehova unononoka kutsamŋa, unenyasha huru, unokaŋganwira ɀakaipa nokuɗarika; haaŋgatoŋgopembedzi munhu unemhoȿa; unoroʋa ʋana nokuɗa kweɀakaipa ɀamadziɓaɓa aʋo, kuȿikira kurudzi rwecitatu norwecinna. Ndinokumbira kuti mukaŋganwire henyu ɀakaipa ɀaʋanhu aʋa noʋukuru bgenyasha dzenyu, ʋuye seɀamakakaŋganwira ʋanhu aʋa kubva Egipita kuȿikira ɀino. Ipapo Jehova akati: Ndakaŋganwira seɀawakumbira. Asi ɀirokwaɀo, noʋupenyu bgaŋgu, ʋuye nyika yose ɀaicazara nokubginya kwaJehova, ʋarume aʋa ʋose ʋakaʋona kubginya kwaŋgu neɀiratidzo ɀaŋgu, ɀandakaita muEgipita nomurenje, ʋakandiidza ɀino runegumi, ʋasiŋgatereri inzwi raŋgu, ɀirokwaɀo, haʋaŋgaʋoni nyika yandakapikira madziɓaɓa aʋo; hakunomumŋe waʋakandiɀidza ucaiʋona, asi muranda waŋgu Karebi, nokuti wakaŋga anomumŋe mŋeya mukati make, akanditeʋera nomŋoyo wose, ndiye wandicapinza munyika maakambopinda; icaʋa yaʋana ʋake. Ɀino ʋaAmareki naʋaKanani ʋaigara mumupata uyo; maŋgwana dzokai, muende kurenje nenzira inoenda kuGuŋgwa Dɀuku.