Marko 9
9
Kubginya kwaJesu pagomo.
(Mat 17:1–13; Ruka 9:28–36)
1Ɀino wakati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋamŋe ʋari’po kunaʋamire pano, ʋasiŋgazoʋoni rufu, ʋasati ʋaʋona ʋushe bgaMŋari bguciʋuya nesimba.
2Mazuʋa matanhatu akati apfuʋura, Jesu akatora Petro, naJakobo, naJohane, akaenda naʋo kurutiʋi mugomo refu ʋari ʋoga; akashanduka pamberi paʋo. 3Ŋguʋo dzake dzikapenya, dzikacena ɀikuru; hakunomusuki pano panyika, uŋgagona kudzicenesa dzikaɗaro. 4Ipapo Eria naMosesi ʋakaʋonekwa naʋo, ʋacitaurirana naJesu. 5Petro akapindura, akati kunaJesu: Rabi, ɀakanaka ɀatiri pano; ŋgatiʋake matumba matatu, rimŋe renyu, rimŋe raMosesi, rimŋe raEria. 6Nokuti wakaŋga asiŋgaziʋi caanotaura, nokuti ʋakatya ɀikuru. 7Ɀino gore rikaʋuya rikaʋafukidza, inzwi rikaɓuɗa mugore, riciti: Uyu Mŋanakomana waŋgu unoɗikanwa, mumunzwei! 8Kamŋe, ʋakati ʋaciriŋgariŋga, haʋana‐kuzoʋona munhu, asi Jesu ɓedzi anaʋo.
9Ɀino ʋakati ʋaciɓuruka mugomo, akaʋaraira kuti ʋarege kuʋudza munhu ɀaʋakaŋga ʋaʋona kuȿikira Mŋanakomana womunhu amuka kuʋakafa. 10Ʋakariceŋgeta shoko iro, ʋaciita nyaya pakati paʋo, kuti kumuka kwaʋakafa cinyiko? 11Ʋakamubvunza, ʋaciti: Ʋanyori ʋanotaurireiko ʋaciti, Eria unofanira kutaŋga kuʋuya? 12Akati kwaʋari: Eria ucataŋga kuʋuya hake, aʋandudze ɀinhu ɀose, asi kwakagonyorwa seiko ɀoMŋanakomana womunhu, kuti ucatambudzika ɀikuru nokuɀidzwa? 13Asi ndinoti kwamuri, Eria wakatoȿika, ʋakamuitira ɀose paʋakaŋga ʋaciɗa napo, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake.
Jesu unoporesa mukomana uneɀipusha.
(Mat 17:14–21; Ruka 9:37–43)
14Ʋakati ʋaȿika kuʋadzidzi, ʋakaʋona ʋanhu ʋazhinji‐zhinji, ʋakaʋakomba, naʋanyori ʋaciita nyaya naʋo. 15Pakarepo ʋazhinji ʋose ʋakati ʋacimuʋona, ʋakashamiswa kwaɀo, ʋakamhanyira kwaari, ʋakamukwazisa. 16Akaʋabvunza, akati: Munoita nyaya neiko naʋo? 17Mumŋe waʋazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndaʋuya kwamuri nomŋanakomana waŋgu, unomŋeya wembeʋeʋe. 18Kwose kwaanomuɓata, unomuwisira pasi, acipupuma furo, acigeɗa‐geɗa meno, ʋuye unowonda kwaɀo; ndakataura naʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. 19Akaʋapindura, akati: Haiwa, rudzi rusiŋgatendi, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye kwandiri. 20Ʋakaʋuya naye kwaari; wakati acimuʋona, pakarepo mŋeya ukamubvundisa, akawira pasi, akakuŋguruka, acipupuma furo. 21Ɀino akabvunza ɓaɓa ʋake, akati: Yaʋa ŋguʋa vakaɗiniko kubvira iɀoɀi ɀicimuwira? Akati: Kubva paʋuɗuku bgake. 22Kazhinji wakamuwisira mumŋoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana mucigona kuita cinhu, mutinzwire tsitsi, mutiɓatsire. 23Jesu akati kwaari: Kana iwe ucigona kutenda, ɀose ɀiŋgaitika kunounotenda. 24Pakarepo ɓaɓa ʋomŋana ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ndinotenda, ndiɓatsirei pakusatenda kwaŋgu. 25Ɀino Jesu wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋacimhanyirana pamŋe cete, akaraira mŋeya wetȿina, akati kwauri: Iwe, mŋeya wembeʋeʋe nematsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupinda ɀe maari! 26Ukaɗanidzira, ukamubvundisa ɀikuru, ukaɓuɗa; akafanana nomunhu wakafa, nokuɗaro ʋazhinji ʋakati: Wafa. 27Asi Jesu wakaɓata ruʋoko rwake, akamusimudza, iye akasimuka. 28Ɀino wakati apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ʋari ʋoga ʋaciti: Isu takaŋga tisiŋgagoni neiko kuuɓuɗisa? 29Akati kwaʋari: Rudzi urwu haruŋgatoŋgoɓuɗi, asi nokunyeŋgetera.
Jesu unotaura ɀorufu rwake nokumuka kwake.
(Mat 17:22–23; Ruka 9:43–45)
30Ʋakabva ipapo, ʋakagura neGarirea, akaramba kuti ɀizikanwe nomunhu. 31Nokuti wakadzidzisa ʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Mŋanakomana womunhu ucaiswa mumaʋoko aʋanhu, ʋacamuʋuraya; kana aʋurawa, ucamuka ɀe mazuʋa matatu apfuʋura. 32Asi haʋana‐kunzwisisa shoko iro, ʋakatya kumubvunza.
Mukuru paʋushe bgokuɗeŋga, neɀigumbuso.
(Mat 18:1–11; Ruka 9:46–50)
33Ʋakaȿika Kapernaume; ɀino wakati aʋa mumba, akaʋabvunza, aciti: Makaŋga muciita nyaya yeiko munzira? 34Ʋakaramba ʋanyerere, nokuti ʋakaŋga ʋaita nharo pakati paʋo munzira, kuti mukuru ndiani. 35Ipapo akagara pasi, akaɗana ʋanegumi naʋaʋiri, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋa wokutaŋga, ucazoʋa weshure kunaʋose nomuranda waʋose. 36Akatora mŋana muɗuku, akamuisa pakati paʋo; akamufuŋgatira mumaʋoko, akati kwaʋari: 37Aninani unogamucira mumŋe waʋaɗuku ʋakaɗai nezita raŋgu, unondigamucireni; aninani unondigamucira ini, haandigamuciri ini, asi uyo wakandituma.
38Johane akati kwaari: Mudzidzisi, taʋona munhu aciɓuɗisa mŋeya yakaipa muzita renyu, tikamudziʋisa, nokuti haana‐kutiteʋera. 39Jesu akati: Musamudziʋisa, nokuti hakunomunhu uŋgaita ɓasa resimba nezita raŋgu, uŋgakurumidza kutaura ɀakaipa pamsoro paŋgu. 40Nokuti usiŋgapesani nesu, unesu. 41Nokuti aninani unokunwisai mukombe wemvura muzita raŋgu, nemhaka yokuti muri ʋaKristu, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haanakurashikirwa nomuɓairo wake. 42Aninani unogumbusa mumŋe waʋaɗuku aʋa ʋanotenda kwandiri, ɀirinani kwaari kuti guyo guru risuŋgirirwe pamutsipa wake, akandirwe muguŋgwa. 43Kana ruʋoko rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu uri cirema, pakuenda muGehena, mumŋoto usiŋgadzimŋi, unamakumbo maʋiri. [ 44Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] 45Kana rutsoka rwako rucikugumbusa, urugure; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋupenyu ucikamhina, pakukandirwa muGehena, unetsoka mbiri. [ 46Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto.] 47Kana ziso rako ricikugumbusa, urirashe; ɀirinani kwauri kuti upinde muʋushe bgokuɗeŋga uneziso rimŋe, pakukandirwa muGehena, unameso maʋiri. 48Apo pasiŋgafi honye yaʋo, napasiŋgadzimŋi mŋoto. 49Nokuti mumŋe nomumŋe ucaruŋgwa nomŋoto. 50Munyu wakanaka; asi kana munyu usicaʋaʋi, muŋgauruŋga neiko? Iʋai nomunyu mukati menyu, mugare norugare pakati penyu.
Zvasarudzwa nguva ino
Marko 9: SUB1949
Sarudza vhesi
Pakurirana nevamwe
Sarudza zvinyorwa izvi
Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda
© British and Foreign Bible Society 1949, 2018