Mumŋe waʋazhinji akamupindura, akati: Mudzidzisi, ndaʋuya kwamuri nomŋanakomana waŋgu, unomŋeya wembeʋeʋe. Kwose kwaanomuɓata, unomuwisira pasi, acipupuma furo, acigeɗa‐geɗa meno, ʋuye unowonda kwaɀo; ndakataura naʋadzidzi ʋenyu kuti ʋauɓuɗise, ʋakasagona. Akaʋapindura, akati: Haiwa, rudzi rusiŋgatendi, ndicagara nemi kuȿikira riniko? Ndicakuitirai mŋoyo murefu kuȿikira riniko? Ʋuyai naye kwandiri. Ʋakaʋuya naye kwaari; wakati acimuʋona, pakarepo mŋeya ukamubvundisa, akawira pasi, akakuŋguruka, acipupuma furo. Ɀino akabvunza ɓaɓa ʋake, akati: Yaʋa ŋguʋa vakaɗiniko kubvira iɀoɀi ɀicimuwira? Akati: Kubva paʋuɗuku bgake. Kazhinji wakamuwisira mumŋoto kana mumvura kuti umuparadze; asi kana mucigona kuita cinhu, mutinzwire tsitsi, mutiɓatsire. Jesu akati kwaari: Kana iwe ucigona kutenda, ɀose ɀiŋgaitika kunounotenda. Pakarepo ɓaɓa ʋomŋana ʋakaɗanidzira, ʋaciti: Ndinotenda, ndiɓatsirei pakusatenda kwaŋgu. Ɀino Jesu wakati aciʋona ʋanhu ʋazhinji ʋacimhanyirana pamŋe cete, akaraira mŋeya wetȿina, akati kwauri: Iwe, mŋeya wembeʋeʋe nematsi, ndinokuraira kuti ubve maari, urege kupinda ɀe maari!