Ʋakaŋga ʋakaŋganwa kutora ɀiŋgwa; ʋakaŋga ʋasineɀiŋgwa, asi cimŋe ɓedzi. Ɀino akaʋaraira, akati: Cenjerai, mutye mbiriso yaʋaFarise nembiriso yaHerode. Ʋakaraŋgana ʋakati: Unoɗaro nokuti hatineɀiŋgwa. Ɀino Jesu wakati aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Munoraŋgana nemhaka yeiko kuti hamuneɀiŋgwa? Hamuziʋi, nokunzwisisa here? Mŋoyo yenyu iciri mikukutu here? Ɀamunameso, hamuʋoni here? Ɀamunenzeʋe, hamunzwi here? Hamuraŋgariri here? Musi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀishanu ɀiŋgwa ɀishanu, makanoŋga mateŋgu maŋganiko azere neɀimeɗu? Ʋakati kwaari: Gumi namaʋiri. Nomusi wandakameɗurira ʋaneɀuru ɀinna ɀiŋgwa ɀinomŋe, makanoŋga mateŋgu maŋganiko akazadzwa neɀimeɗu? Ʋakati: Manomŋe. Akati kwaʋari: Ko hamunzwisisi naɀino here?
Ɀino ʋakaȿika Betsaida; ʋakaʋuya neɓofu, ʋakakumbira ɀikuru kwaari, kuti amunyaŋgate. Akaɓata ruʋoko rweɓofu, akamuisa kunze kwomusha, ndokupfira mate mumeso ake, akaisa maʋoko pamsoro pake, akamubvunza aciti: Unoʋona cinhu here? Iye akatarira, akati: Ndinoʋona ʋanhu, ndinoʋaʋona ʋacifamba ʋakafanana nemiti. Ɀino akaisa ɀe maʋoko pamsoro pameso ake, iye akatarisisa, akaporeswa, akaʋona ɀose ɀakanaka. Akamuendisa kumba kwake akati: Usatoŋgopinda mumusha.
Ɀino Jesu naʋadzidzi ʋake ʋakaenda kumisha yeKesaria Firipo; munzira akabvunza ʋadzidzi ʋake akati kwaʋari: Ʋanhu ʋanoti ndini aniko? Ʋakapindura ʋaciti kwaari: Ʋamŋe ʋanoti: Johane Mubapatidzi; ʋamŋe, Eria, ʋamŋe ɀe, mumŋe waʋaprofita. Ɀino akaʋabvunza, akati: Ko imi munoti ndini ani? Petro akapindura, akati kwaari: Ndimi Kristu. Akaʋaraira ɀikuru kuti ʋarege kuziʋisa munhu iɀoɀo ɀake. Ɀino akataŋga kuʋadzidzisa kuti Mŋanakomana womunhu unofanira kutambudzika ɀizhinji nokurashwa naʋakuru, naʋaprista ʋakuru, naʋanyori, aʋurawe, amuke ɀe mazuʋa matatu apfuʋura. Akataura shoko iro pacena. Ɀino Petro akaenda naye ʋari ʋoga, akataŋga kumuraira. Asi iye wakatendeʋuka, ndokutarira ʋadzidzi ʋake, akaraira Petro, akati: Ibva shure kwaŋgu, Satani, nokuti hauraŋgariri ɀinhu ɀaMŋari, asi ɀinhu ɀaʋanhu.
Ɀino wakaɗanira kwaari ʋanhu ʋazhinji naʋadzidzi ʋake, akati kwaʋari: Kana munhu aciɗa kuʋuya shure kwaŋgu, ŋgaaɀirambe, asimudze mucinjikwa wake, anditeʋere. Nokuti aninani unoɗa kuponesa ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi aninani unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, ucabguponesa. Nokuti munhu ucagoɓatsirweiko, kana awana nyika yose, akarashikirwa noʋupenyu bgake?