Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 7:14-37

Marko 7:14-37 SUB1949

Akaɗanira ɀe kwaari ʋanhu ʋazhinji akati kwaʋari: Nditererei mose, munzwisise! Hapanecinhu kunze kwomunhu ciŋgamuȿiɓisa, kana cicipinda maari; asi ɀinoɓuɗa maari, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. [ Kana munhu anenzeʋe dzokunzwa, ngaanzwe.] Ɀino wakati abva kuʋanhu ʋazhinji, apinda mumba, ʋadzidzi ʋake ʋakamubvunza ɀomufananidzo uyo. Akati kwaʋari: Nemi ʋo hamunzwisisi saiɀoɀo here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀiri kunze, kana ɀicipinda mumunhu, haɀigoni kumuȿiɓisa? Nokuti haɀipindi mumŋoyo make asi muɗumbu, ɀicirashwa kunze; nokutaura kwakaɗaro wakanatsa ɀokudya ɀose. Ipapo akati: Ɀinoɓuɗa mumunhu ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mukati, mumŋoyo yaʋanhu munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, noʋupombge, nokuɓa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noruciʋa, nokuipa, nokunyeŋgera, noʋutere, neziso rinegoɗo, nokutuka, namanyawi, noʋupenzi; ɀakaipa iɀoɀo ɀose ɀinobva mukati, ɀinoȿiɓisa munhu. Wakasimuka ipapo, akaenda kunyika yeTire neSidoni; akapinda mumba, asiŋgaɗi kuzikanwa nomunhu; akakoniwa kuɀiʋanza. Nokuti mumŋe mukadzi, waiʋa nomŋanasikana muɗuku, wakaŋga anomŋeya wetȿina, wakati acimunzwa, akaʋuya akaɀiwisira pasi petsoka dzake. Ɀino iye mukadzi waiʋa muGiriki, worudzi rwaʋeSirofenike; akaramba acikumbira kwaari kuti aɓuɗise mŋeya wakaipa pamŋanasikana wake. Akati kwaari: Ʋana ŋgaʋataŋge kuguta, nokuti haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akapindura, akati kwaari: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya pasi petafura ɀimeɗu ɀaʋana. Akati kwaari: Nokuɗa kweshoko iro, enda; mŋeya wakaipa wabva pamŋanasikana wako. Akaenda kumba kwake, akawana mŋana aʋete pamubeda, mŋeya wakaipa wabva. Ɀino wakati acibva ɀe munyika yeTire, akaenda napakati peSidoni kuguŋgwa reGarirea, napakati penyika yeDekapori. Ʋakaisa kwaari munhu wematsi, waikakamira, ʋakakumbira ɀikuru kuti aise ruʋoko rwake pamsoro pake. Akamubvisa pakati paʋanhu ʋazhinji, ndokuenda naye parutiʋi, akapinza munwe munzeʋe dzake, akapfira mate, ndokuɓata rurimi rwake. Ipapo akatarira kuɗeŋga, akagomera, akati kwaari: Efata, ndokuti: Dziʋuka. Pakarepo nzeʋe dzake dzakadziʋuka, cisuŋgo corurimi rwake cikasunuŋguka, akataura ɀakanaka. Ɀino wakaʋaraira, kuti ʋarege kuʋudza ʋanhu; asi iye acinyanya kuʋaraira, iʋo ʋakanyanyisa kuparidza iɀoɀo. Ʋakashamiswa ɀikuru‐kuru, ʋaciti: Wakaita ɀose ɀakanaka; wakaita matsi kuti dzinzwe, nembeʋeʋe kuti dzitaure.

Verenga chikamu Marko 7