Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 6:14-44

Marko 6:14-44 SUB1949

Ɀino mambo Herode wakaɀinzwa, nokuti zita rake rakaŋga rakurumbira, akati: Johane Mubapatidzi wakamuka kuʋakafa, saka masimba awa anoɓata maari. Ʋamŋe ʋakati: NdiEria; ʋamŋe ʋakati: Muprofita wakafanana nomumŋe waʋaprofita. Asi Herode wakati aciɀinzwa, akati: NdiJohane wakamuka, uya wandakagura musoro. Nokuti Herode wakaŋga atuma ʋanhu, akaɓata Johane, akamusuŋga mutoroŋgo nokuɗa kwaHerodiasi, mukadzi waFiripo, munuŋuna wake, nokuti wakaŋga amuwana. Nokuti Johane wakaŋga ati kunaHerode: Haunakutenderwa kuti uʋe nomukadzi womunuŋuna wako. Herodiasi akamuʋeŋga, akaɗa kumuʋuraya, akasagona; nokuti Herode wakaŋga acitya Johane, aciziʋa kuti munhu wakarurama, mutȿene, akamuceŋgeta ɀakanaka. Wakati amunzwa, akakaŋganiswa kwaɀo, akasifara kumunzwa. Asi zuʋa rakafanira rakati raȿika, Herode nezuʋa rokuɓerekwa kwake akaitira madzishe ake naʋakuru ʋeɀuru ɀamazana naʋaɓati ʋakuru ʋeGarirea mutambo mukuru; ɀino mŋanasikana waHerodiasi amene wakapinda, akatamba, akafadza Herode naʋakaŋga ʋagere pakudya naye; mambo akati kumŋanasikana: Kumbira kwandiri caunoɗa, ndikupe. Akamupikira, aciti: Caunokumbira kwandiri ndicakupa, kuȿikira pahafu yoʋushe bgaŋgu. Akaɓuɗa, akati kunamai ʋake: Ndicakumbireiko? Ʋakati: Musoro waJohane Mubapatidzi. Pakarepo akakurumidza kupinda kunamambo, akakumbira aciti: Ndinoɗa kuti mundipe mundiro ikoɀino musoro waJohane Mubapatidzi. Ipapo mambo akaɀidya mŋoyo kwaɀo, asi wakaŋga asiŋgaɗi kumurambira nokuɗa kwokupika kwake, ʋuye nokuɗa kwaʋakaŋga ʋagere naye pakudya. Pakarepo mambo akatuma murwi, akaraira kuti aʋuye nomusoro wake. Akaenda, akamugura musoro mutoroŋgo, akaʋuya nomusoro wake mundiro, akaupa musikana, musikana ndokuupa mai ʋake. Ʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakaʋuya ʋakatora mutumbu wake, ʋakauʋiga mubgiro. Ɀino ʋaapostora ʋakaʋuŋganira kunaJesu, ʋakamuʋudza ɀose ɀaʋakaŋga ʋaita, neɀaʋakaŋga ʋadzidzisa. Akati kwaʋari: Ʋuyai imi muri moga kunɀimbo murenje, muzorore ɀishoma; nokuti kwakaŋga kunaʋazhinji ʋaiʋuy naʋaienda, ʋakasaʋa neŋguʋa kunyaŋge yokudya. Ʋakaenda negwa kunɀimbo murenje ʋari ʋoga. Ʋanhu ʋakaʋaʋona ʋacienda, ʋazhinji ʋakamuziʋa, ʋakamhanyira ʋose ikoko, ʋacibva pamaguta ose, ʋakaʋataŋgira kuȿika. Ɀino wakati aciɓuɗa mugwa, akaʋona ʋazhinji‐zhinji, akaʋanzwira tsitsi, nokuti ʋakaŋga ʋakafanana namakwai asinomufudzi; akataŋga kuʋadzidzisa ɀizhinji. Ɀino zuʋa roɗo‐kuʋira, ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Pano inɀimbo murenje, zuʋa roɗo‐kuʋira; ʋaendisei, kuti ʋaende kuruwa nemisha yakapoteredza, ʋandoɀiteŋgera ɀokudya. Akapindura, akati kwaʋari: Imi muʋapei ɀaʋaŋgadya. Ʋakati kwaari: Tiŋgaenda kundoteŋga ɀiŋgwa namadenari anamazana maʋiri, tiʋape ʋadye here? Akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Endai mutarire. Ʋakati ʋaziʋa, ʋakati: Ɀishanu, nehoʋe mbiri. Ɀino akaʋaraira kuti ʋagarise ʋose pasi paʋuswa bgunyoro ʋakaita mapoka‐mapoka. Ʋakagara pasi ʋakaita mapoka‐mapoka anezana naanamakumi mashanu. Ɀino akatora ɀiŋgwa ɀishanu nehoʋe mbiri, akatarira kuɗeŋga, akaʋoŋga, akameɗura ɀiŋgwa, akapa ʋadzidzi ʋake, kuti ʋaɀiise pamberi paʋo; nehoʋe mbiri akadzigoʋera ʋose. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta. Ʋakaʋuŋganidza ɀimeɗu, mateŋgu anegumi namaʋiri akazadzwa, neɀehoʋe ʋo. Ʋakaŋga ʋadya ɀiŋgwa ʋaiʋa ʋarume ʋaneɀuru ɀishanu.

Verenga chikamu Marko 6