Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 4:26-41

Marko 4:26-41 SUB1949

Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari bgakafanana nomunhu unodɀara mbeu muvu, akaʋata, akamuka, ʋusiku namasikati; mbeu inomera, icikura, iye asiŋgaziʋi kuti ɀinoitika sei; ivu rinoŋgoɓereka haro, pakutaŋga cipande, pashure hura, pashure ɀiyo ɀakakora pahura. Kana ɀiɓereko ɀaibva, pakarepo unoceka neɓaŋga, nokuti kuceka kwaȿika. Ɀino akati: Ʋushe bgaMŋari ticabgufananidza neiko? Ticabguenzanisira nomufananidzo upiko? Bgakafanana netsaŋga yemastarda, iyo kana icidɀarwa muvu iɗuku kumbeu dzose dzapanyika; asi kana yadɀarwa, inomera, iciʋa huru kumiriʋo yose iciita mataʋi makuru, akaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinogara pamumvuri wayo. Akasireʋa shoko kwaʋari nemifananidzo mizhinji yakaɗaro, paʋaigona kunzwa napo. Haana‐kutaura naʋo kunze kwemifananidzo, asi waiɗudzira ʋadzidzi ʋake ɀose ʋari ʋoga. Ɀino nezuʋa iro, aʋa maɗekwana, wakati kwaʋari: Ŋgatiyambukire mhiri. Ʋakasiya ʋanhu ʋazhinji, ʋakaenda naye mugwa akaŋgoɗaro; mamŋe magwa akaŋga aiʋa naye. Ɀino ɗutu guru remhepo rakamuka, mafuŋgu emvura akaroʋa mugwa, rikaŋga roɗo‐kuzara. Asi iye wakaŋga ari mushure megwa aʋete pamutsago; ʋakamumutsa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, hamunehanya kunyaŋge tofa here? Akamuka, akaraira mhepo, akati kuguŋgwa: Nyarara, ugadzikane! Mhepo ikanyarara, kudzikama kukuru kukaʋa’po. Ɀino akati kwaʋari: Munotyireiko kuɗaro? Hamunokutenda here? Ʋakatya nokutya kukuru, ʋakataurirana ʋaciti: Ndianiko uyu, nokuti mhepo kunyaŋge neguŋgwa ɀinomuterera?

Verenga chikamu Marko 4