Kwakati mazuʋa apfuʋura, akapinda ɀe Kapernaume; ʋanhu ʋakanzwa kuti uri mumba. Ʋazhinji ʋakaʋuŋgana nokuɗaro ʋakashaiwa nɀimbo, kunyaŋge pamukoʋa; akaʋataurira shoko. Ʋakaʋuya ʋakaisa kwaari munhu wakaŋga akafa mitezo, akatakurwa na ʋanhu ʋanna. Ɀino ʋakati ʋasiŋgagoni kusweɗera kwaari nokuɗa kwaʋazhinji, ʋakazarura ɗeŋga paakaŋga ari; ʋakati ʋariputsa, ʋakaɓurusa nhoʋo, pakaŋga paʋete munhu wakaŋga akafa mitezo; Jesu wakati aciʋona kutenda kwaʋo, akati kunowakaŋga akafa mitezo: Mŋana, wakaŋganwirwa ɀiʋi ɀako. Ɀino ʋamŋe ʋanyori ʋakaŋga ʋagere’mo, ʋakafuŋga mumŋoyo yaʋo, ʋaciti: Uyu unoreʋereiko kuɗaro? Unomhura Mŋari; ndianiko unogona kukaŋganwira ɀiʋi, asi mumŋe cete, ndiye Mŋari? Pakarepo Jesu aciziʋa mumŋeya make kuti ʋanofuŋga kuɗaro mumŋoyo yaʋo, akati kwaʋari: Munofuŋgireiko ɀinhu iɀi mumŋoyo yenyu?
Verenga chikamu Marko 2
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Marko 2:1-8
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo