Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Marko 14:1-21

Marko 14:1-21 SUB1949

Ɀino mazuʋa maʋiri akaŋga asara pakuȿika kwepaseka nomutambo weɀiŋgwa ɀisinembiriso. Ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakaŋga ʋacitȿaka mutoʋo waʋaŋgamuɓata nawo namano, kuti ʋamuʋuraye. Nokuti ʋakati: Ɀirege kuitwa pamutambo, kuti kurege kuʋa neɓope pakati paʋanhu. Ɀino wakati ari paBetania, mumba maSimoni wamaperembudzi, agere pakudya, mumŋe mukadzi akaʋuya anecinu cearbastera caiʋa necizoro cenardo cakanakisa, cinomuteŋgo mukuru; akaputsa cinu cearbastera, akaciɗurura pamusoro wake. Asi ʋamŋe ʋakaŋga ʋari’po ʋakatsamŋa pamŋoyo yaʋo, ʋakati: Kuparadza ikoko kwecizoro kwakaitirweiko? Nokuti cizoro ici ciŋgaɗai cateŋgeswa namadenari anopfuʋura mazana matatu, akapiwa ʋarombo. Ʋakatsamŋira mukadzi. Asi Jesu wakati: Muregei. Munomutambudzireiko? Wakandiitira ɓasa rakanaka. Nokuti ʋarombo munaʋo ŋguʋa dzose, ŋguʋa ipi neipi yamunoɗa, muŋgaʋaitira ɀakanaka; asi ini hamuneni ŋguʋa dzose. Wakaita paakagona napo; wakagara azodzera muʋiri waŋgu kuʋigwa. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Kwose kunozoparidzirwa Evaŋgeri panyika dzose, ɀakaitwa naye ɀicarebga ʋo, ʋamuraŋgarire naɀo. Judasi Iskarioti, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, wakaenda kuʋaprista ʋakuru, kuti amuise kwaʋari. Iʋo ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakafara, ʋakamupikira kuti ʋacamupa mari. Ipapo akatȿaka mutoʋo waaŋgamuisa kwaʋari nawo paŋguʋa yakafanira Nezuʋa rokutaŋga reɀiŋgwa ɀisinembiriso, musi waʋaiɓayira paseka nawo, ʋadzidzi ʋakati kwaari: Munoɗa kuti tikugadzirirepiko pamuŋgadya paseka? Akatuma ʋadzidzi ʋake ʋaʋiri, akati kwaʋari: Endai muguta, ipapo mucasoŋgana nomunhu akatakura ciroŋgo cemvura; mumuteʋere iye. Paaneŋge acipinda, muti kumŋene weimba: Ɀanzi nomudzidzisi: Imba yaŋgu yaʋaeni iripiko, mandiŋgadyira paseka naʋadzidzi ʋaŋgu? Ipapo iye amene ucakutaridzai imba huru yokumsoro, yakaroŋgedzwa, yakagadzirwa; mutigadzirire’po. Ʋadzidzi ʋake ʋakaɓuɗa, ʋakaȿika muguta, ʋakandowana seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa naye; ʋakagadzira paseka. Aʋa maɗekwana, akaʋuya naʋanegumi naʋaʋiri. Ɀino ʋakati ʋagere pakudya, Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Mumŋe wenyu ucandipandukira, iye unodya neni. Ipapo ʋakataŋga kuʋa neshuŋgu, mumŋe nomumŋe akati kwaari: Ndini here? Akati kwaʋari: Ndomumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, unoisa ruʋoko neni mundiro. Nokuti Mŋanakomana womunhu unoenda hake, seɀaɀakanyorwa pamsoro pake; asi unenhamo munhu uyo, Mŋanakomana womunhu waanopandukirwa naye; kwaiʋa nani kumunhu uyu kana asina‐kuɓerekwa.

Verenga chikamu Marko 14