Ɀino wakasimuka’po, akaȿika munyika yeJudea, nemhiri kwaJoridani, ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋganira ɀe kwaari; akaʋadzidzisa ɀe seɀaakaŋga acisiita. ƲaFarise ʋakaʋuya kwaari, ʋakamubvunza, ʋacimuidza, ʋaciti: Murume wakatenderwa kurasha mukadzi wake here? Akapindura, akati kwaʋari: Mosesi wakakuraireiko? Ʋakati: Mosesi wakatendera murume kunyora rugwaro rwokumuramba, nokumurasha. Jesu akati kwaʋari: Wakakunyorerai murairo iwoyo nokuɗa kwoʋukukutu bgemŋoyo yenyu. Asi kubva pakutaŋga kwokusikwa wakaʋaita murume nomukadzi. Nokuɗa kwaiɀoɀo murume ucasiya ɓaɓa ʋake namai ʋake, akanamatira mukadzi wake; aʋa ʋaʋiri ʋacaʋa nyama imŋe; nokuɗaro haʋaciri ʋaʋiri, asi nyama imŋe. Ɀino iɀo Mŋari ɀaakasoŋganisa, munhu ŋgaarege kuɀiparadzanisa. Ɀino mumba ʋadzidzi ʋakamubvunza ɀe pamsoro paiɀoɀo. Akati kwaʋari: Aninani unorasha mukadzi wake, akawana mumŋe, unoita ʋupombge kwaari. Ʋuye kana iye mukadzi akarasha murume wake, akawanikwa nomumŋe, unofeʋa.
Ɀino ʋakaʋuya naʋana ʋaɗuku kwaari, kuti aʋanyaŋgate; asi ʋadzidzi ʋakaʋaraira. Ɀino Jesu wakati aciɀiʋona, akatsamŋa, akati kwaʋari: Regai ʋana ʋaɗuku ʋaʋuye kwandiri, musaʋadziʋisa, nokuti ʋushe bgaMŋari ndobgaʋakaɗai. Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Aninani usiŋgagamuciri ʋushe bgaMŋari somŋana muɗuku, haaŋgatoŋgopindi mabguri. Ipapo akaʋafuŋgatira mumaʋoko, akaʋaropafadza, ndokuisa maʋoko pamsoro paʋo.
Ɀino wakati aciɓuɗa kunzira, mumŋe akamhanyira kwaari, akafugama pamberi pake akamubvunza, aciti: Mudzidzisi wakanaka, ndiŋgaiteiko kuti ndigare nhaka yoʋupenyu bgusiŋgaperi? Jesu akati kwaari: Unondiidzireiko wakanaka? Hakuna‐wakanaka, asi mumŋe cete, iye Mŋari. Mirairo unoiziʋa, inoti, usaʋuraya, usaita ʋupombge, usaɓa, usapupura nhema, usanyeŋgera, kudza ɓaɓa ʋako namai ʋako. Akati kwaari: Mudzidzisi, iɀi ɀose ndakaɀiceŋgeta kubva paʋuɗuku bgaŋgu. Jesu akamutarira akamuɗa, akati kwaari: Unoshaiwa cinhu cimŋe cete; enda, uteŋgese ɀose ɀaunaɀo, upe ʋarombo, uʋe nefuma kuɗeŋga; ugoʋuya, unditeʋere. Asi wakaȿiɓa mŋoyo neshoko iro, akaenda neshuŋgu, nokuti wakaŋga anefuma zhinji.
Ipapo Jesu akariŋga‐riŋga, akati kuʋadzidzi ʋake: Ʋanefuma ʋacaremerwa sei kupinda paʋushe bgaMŋari! Ʋadzidzi ʋakashamiswa namashoko ake. Asi Jesu wakapindura ɀe, akati kwaʋari: Ʋana, ɀinorema sei kunaʋanoʋimba nefuma kupinda paʋushe bgaMŋari! Kamera iŋgarerukirwa kupinda paʋuri reɗumho, kumufumi kupinda muʋushe bgaMŋari. Ipapo ʋakakahadzika ɀikuru, ʋakati kwaari: Ndianiko uŋgagoponeswa? Ɀino Jesu wakati aciʋatarira, akati: Kuʋanhu iɀi haɀibviri, asi kunaMŋari ɀinobʋira. Petro akataŋga kutaura kwaari, aciti: Tarirai isu takasiya ɀose tikakuteʋerai. Jesu akati: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hakunomunhu wakasiya imba, kana ʋanuŋuna, kana hanɀadzi, kana mai, kana ɓaɓa, kana ʋana, kana minda, nokuɗa kwaŋgu nokweEvaŋgeri, usiŋgazopiwi ɀinezana neŋguʋa ino, dzimba naʋanuŋuna, nehanɀadzi, namadzimai, naʋana, neminda, pamŋe cete nokuʋeŋgwa, noʋupenyu bgusiŋgaperi neŋguʋa inoʋuya. Asi ʋazhinji ʋokutaŋga ʋacaʋa ʋokupedzisira, noʋokupedzisira ʋacaʋa ʋokutaŋga.