Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 5:22-42

Mateo 5:22-42 SUB1949

asi ini ndinoti kwamuri: Unotsamŋira hama yake, ucapara mhoȿa iŋgatoŋgwa; unoti kuhama yake: Raka, ucapara mhoȿa pamakurukota; unoti: Ƃenzi, ucapara mhoȿa kuti atoŋgerwe Gehena romŋoto. Naiɀoɀo kana iwe uciʋuya necipo cako paartari, ukaraŋgarira ipapo kuti hama yako inemhoȿa newe, usiye cipo cako ipapo pamberi peartari, uende, umbondoyanana nehama yako, ugozoʋuya woisa cipo cako. Kurumidza kutenderana nomudziʋisi wako, uciri munzira naye; kuti mudziʋisi arege kukukwirira kumutoŋgi, mutoŋgi kumutariri, ukasuŋgwa mutoroŋgo. Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, hauŋgatoŋgoɓuɗi’mo, usati waripa kamari kwokupedzisira. Makanzwa kuti ɀakanzi: Usaita ʋupombge. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unotarira mukadzi acimuciʋa, watoita ʋupombge naye mumŋoyo make. Kana ziso rako rorudyi ricikugumbusa, uribvise, urirashire kure kwauri; nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena. Kana ruʋoko rwako rworudyi rucikugumbusa, urugure, ururashire kure kwauri, nokuti ɀirinani kwauri kuti mutezo wako mumŋe ufe, muʋiri wako wose urege kukandirwa muGehena. Ɀakanzi ʋo: Aninani unorasha mukadzi wake, ŋgaamupe rugwaro rwokumuramba. Asi ini ndinoti kwamuri: Mumŋe nomumŋe unorasha mukadzi wake, asi nemhoȿa yoʋupombge, unomuitisa ʋupombge; aninani unowana warashwa, unoita ʋupombge. Makanzwa ʋo kuti ɀakanzi kunaʋekare: Usapika nhema, asi uripire Ishe pawakapika napo. Asi ini ndinoti kwamuri: Musatoŋgopika, kana nokuɗeŋga, nokuti ndico cigaro coʋushe caMŋari; kana nenyika, nokuti ndico citsiko cetsoka dzake; kana neJerusarema, nokuti ndiro guta raMambo mukuru. Usapika kana nomusoro wako, nokuti haugoni kushandura ruvudzi rumŋe kuti ruʋe rucena kana rutema. Asi shoko renyu riʋe: Hoŋo, hoŋo; kwete, kwete; ɀinopfuʋura iɀoɀo ɀinobva kunowakaipa. Makanzwa kuti ɀakanzi: Ziso rinotsibga neziso, zino nezino. Asi ini ndinoti kwamuri: Musadziʋisa wakaipa, asi unokuroʋa paɗama rorudyi, umurinzire rimŋe ʋo. Kana munhu aciɗa kukukwirira, kuti akutorere ŋguʋo yako yomukati, umutendere neŋguʋo yokunze ʋo. Aninani unokumanikidza kuenda maira imŋe, uende naye mbiri. Unokumbira kwauri umupe, usafuratira unoɗa kukwereta kwauri.

Verenga chikamu Mateo 5