Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 27:1-61

Mateo 27:1-61 SUB1949

Aʋa maŋgwana, ʋaprista ʋakuru ʋose naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaraŋgana pamsoro paJesu kuti ʋamuʋuraye; ʋakamusuŋga, ʋakaenda naye, ʋakamuisa kunaPirato, muɓati. Ɀino Judasi, uyo wakamupandukira, wakati aciʋona kuti watoŋgerwa kufa, ndokuɀidya mŋoyo, akadzosera masirveri aya anamakumi matatu kuʋaprista ʋakuru naʋakuru, aciti: Ndatadza, ndapandukira ropa risinemhoȿa. Ʋakati: Tinemhaka yeiko naɀo? Imhaka yako. Akakandira pasi masirveri mutembere; akabva, akaenda ndokuɀisuŋgirira. Ʋaprista ʋakuru ʋakatora masirveri, ʋakati: Haɀina‐kufanira kuti tiaise muciʋigiro cemari, ɀauri muteŋgo weropa. Ʋakaraŋgana, ʋakateŋga nawo munda womuʋumbi wehari, kuzoʋiga’po ʋatorwa. Naiɀoɀo munda uyo wakanzi munda weropa kuȿikira zuʋa ranhasi. Ɀino ɀakarebga nomuprofita Jeremia ɀakaitika, ɀinoti: Ʋakatora masirveri anamakumi matatu, Muteŋgo waiye wakatarirwa muteŋgo, Uyo wakatarwa naʋana ʋaIsraeri; Ʋakateŋga nawo munda womuʋumbi wehari, Seɀandakarairwa naShe. Ɀino Jesu wakamira pamberi pomuɓati, muɓati akamubvunza, akati: Ndiwe mambo waʋaJuda here? Jesu akati kwaari: Ndiɀo ɀamataura. Asi wakati acipomerwa mhoȿa naʋaprista ʋakuru naʋakuru, haana‐kupindura cinhu. Ɀino Pirato akati kwaari: Haunzwi ɀinhu ɀizhinji ɀaʋanokupomedzera here? Asi haana‐kuʋapindura, kunyaŋge neshoko rimŋe cete, muɓati akashamiswa kwaɀo‐kwaɀo naɀo. Ɀino, pamutambo muɓati waisisunuŋgurira ʋanhu ʋazhinji musuŋgwa mumŋe, waʋaneŋge ʋaiɗa. Neŋguʋa iyo ʋaiʋa nomusuŋgwa wakakurumbira, wainzi Barabasi. Naiɀoɀo ʋakati ʋaʋuŋgana, Pirato akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko? Barabasi, kana Jesu, unonzi Kristu? Nokuti wakaŋga aciziʋa kuti ʋakaŋga ʋamuisa kwaari negoɗo. Ɀino wakati agere pacigaro cokutoŋga, mukadzi wake akatumira kwaari, aciti: Usaʋa nemhaka nomunhu uyo wakarurama; nokuti ndakatambudzika ɀikuru nhasi pakurota nokuɗa kwake. Ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋakagombedzera ʋanhu ʋazhinji kuti ʋakumbire Barabasi, Jesu aʋurawe. Muɓati akapindura, akati kwaʋari: Munoɗa kuti ndikusunuŋgurirei aniko kunaiʋaʋo ʋaʋiri? Ʋakati: Barabasi. Pirato akati kwaʋari: Ndicagoiteiko naJesu, unonzi Kristu? Ʋose ʋakati kwaari: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa. Iye akati: Cakaipa caakagoita ndeceiko? Ʋakanyanyisa kuɗanidzira, ʋaciti: Ŋgaaroʋerwe pamucinjikwa! Ɀino Pirato, aciʋona kuti haɀiɓatsiri, asi kuti pomuka ɓope, wakatora mvura, akashamba maʋoko ake pamberi paʋanhu ʋazhinji, aciti: Handinemhaka neropa romunhu uyu wakarurama; mhaka yenyu! Ʋanhu ʋose ʋakapindura, ʋakati: Ropa rake ŋgariʋe pamsoro peɗu napaʋana ʋeɗu. Ɀino akaʋasunuŋgurira Barabasi, asi Jesu wakamuroʋesa kwaɀo, akamuisa kwaʋari, kuti aroʋerwe pamucinjikwa. Ɀino ʋarwi ʋomuɓati ʋakaisa Jesu mumba momuɓati, hondo yose ikaʋuŋganira kwaari. Ʋakamubvisa ŋguʋo dzake, ʋakamufukidza ŋguʋo tȿuku; ʋakaruka korona yeminzwa, ndokuiisa pamusoro wake; norutsaŋga muruʋoko rwake rworudyi; ʋakafugama pamberi pake, ʋakamuseka, ʋaciti: Kwaziwai, Mambo waʋaJuda! Ʋakamupfira mate, ʋakatora rutsaŋga, ʋakaramba ʋacimuroʋa musoro. Ʋakati ʋamuseka, ʋakamubvisa ŋguʋo tȿuku, ʋakamupfekedza ŋguʋo dzake, ʋakaenda naye kundomuroʋera pamucinjikwa. Ʋakati ʋaciɓuɗa, ʋakawana munhu weKurini, wainzi Simoni; ʋakamumanikidza iye kuti atakure mucinjikwa wake. Ʋakati ʋaȿika panɀimbo inonzi Gorgota, ndokuti nɀimbo yeɗehenya, ʋakamupa waini yakaveŋganiswa nenduru, kuti anwe; asi wakati araʋira, akaramba kunwa. Ʋakati ʋamuroʋera pamucinjikwa, ʋakagoʋana ŋguʋo dzake pakati paʋo, ʋacikanda mijenya, [kuti ɀakarebga nomuprofita ɀiitike, ɀinoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, ʋakakanda mijenya pamsoro peɀokufuka ɀaŋgu.] Ʋakagara, ʋakamurinda’po. Ʋakaisa pamsoro pomusoro wake rugwaro rwemhoȿa yake, rwokuti: UYU NDIJESU MAMBO WAƲAJUDA. Ʋakaroʋera pamŋe cete naye makororo maʋiri, mumŋe kurudyi, mumŋe kuruɓoshwe. Ʋakaŋga ʋacipfuʋura, ʋakamutuka, ʋacidzuŋgudza misoro yaʋo, ʋaciti: Iwe wokuputsa tembere, nokuiʋaka ɀe namazuʋa matatu, ciɀiponesa. Kana uri Mŋanakomana waMŋari, ɓuruka pamucinjikwa. Saiɀoɀo ʋaprista ʋakuru, naʋanyori naʋakuru, ʋakamuseka, ʋaciti: Wakaponesa ʋamŋe; haagoni kuɀiponesa! Ndiye Mambo waʋaIsraeri! Ŋgaaɓuruke ɀino pamucinjikwa, titende kwaari. Waiʋimba naMŋari; ŋgaacimusunuŋgura ɀino pamucinjikwa, kana acimuɗa; nokuti wakati: Ndiri Mŋanakomana waMŋari. namakororo akaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye, akamuɀidza saiɀoɀo. Ɀino kubva paŋguʋa yecitanhatu kuȿikira paŋguʋa yepfumbamŋe, rima rakaʋa’po panyika yose. Neŋguʋa ineŋge yepfumbamŋe, Jesu akaɗana nenzwi guru, aciti: Eri, Eri, rama sabaktani? Ndokuti: Mŋari waŋgu, Mŋari waŋgu, mandisiyireiko? Ʋamŋe ʋakaŋga ʋamire’po, ʋaciɀinzwa, ʋakati: Uyo unoɗana Eria. Pakarepo mumŋe waʋo wakamhanya, akatora cipanje, akacizadza nevinega, ndokuciisa parutsaŋga, akamunwisa. Ʋamŋe ʋakati: Regai, timboʋona kana Eria acizoʋuya kumuponesa. Ɀino Jesu akaɗanidzira ɀe nenzwi guru, akarega mŋeya wake. Ipapo tarira, cidzitiro cetembere cakabvaruka napakati, kubva kumsoro kuȿikira pasi; nyika ikaɗeŋgenyeka, mabge akatsemuka; mabgiro akazaruka, nemitumbu mizhinji yaʋatȿene, ʋakaŋga ʋaʋete, yakamutswa; ʋakaɓuɗa pamabgiro, iye amuka, ʋakapinda muguta dɀene, ʋakaʋonekwa naʋazhinji. Ɀino mukuru wezana, naʋairinda Jesu naye, ʋakati ʋaciʋona kuɗeŋgenyeka kwenyika, neɀakaitwa, ʋakatya ɀikuru, ʋakati: Ɀirokwaɀo uyu wakaŋga ari Mŋanakomana waMŋari. Ʋakadzi ʋazhinji ʋakaŋga ʋari’po, ʋakatarira ʋari kure, ʋakaŋga ʋateʋera Jesu, ʋacibva Garirea ʋacimushandira. Pakati paʋo kwakaŋga kunaMaria Magdarene, naMaria mai ʋaJakobo naJose, namai ʋaʋanakomana ʋaZebedi. Ɀino aʋa maɗeko kukaȿika mumŋe mufumi weArimatea, wainzi Josefa, wakaŋga ari mudzidzi waJesu amene, akaenda kunaPirato, akakumbira mutumbu waJesu. Pirato akaraira kuti apiwe. Josefa akatora mutumbu, akauputira nomuceka mucena, akauʋiga mubgiro bgake bgutȿa, bgaakaŋga acera pabge; akakuŋgurusira ibge guru pamuromo wobgiro, akabva. Maria Magdarene, nomumŋe Maria, ʋakaŋga ʋari’po ʋagere ʋakatarisana nobgiro.

Verenga chikamu Mateo 27