Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:47-63

Mateo 26:47-63 SUB1949

Acataura, tarira Judasi, mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri, akaȿika, anaʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaɓata minondo, netȿimbo, ʋacibva kuʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu. Ɀino iye, wakamupandukira, wakaŋga aʋapa ciratidzo, aciti: Uyo wandicaȿeta, ndiye; mumuɓate. Pakarepo akaȿika kunaJesu, akati: Kwaziwai, Rabi! Akamuȿeta ɀikuru. Jesu akati kwaari: Shamŋari, ita ɀawaʋiŋga. Ipapo ʋakaʋuya, ʋakaisa maʋoko kunaJesu, ʋakamuɓata. Ɀino tarira, mumŋe waʋaiʋa naJesu, akatambanudza ruʋoko rwake, akavomora munondo wake, akatema muranda womuprista mukuru, akagura nzeʋe yake. Ɀino Jesu akati kwaari: Dzosera munondo wako mumuhara wawo, nokuti ʋose ʋanoɓata munondo, ʋacafa nomunondo. Unofuŋga here kuti handigoni kukumbira kunaƂaɓa ʋaŋgu, ʋakandipa ikoɀino ʋatumŋa ʋanopfuʋura mapoka makuru‐kuru anegumi namaʋiri? Magwaro aŋgagoitika seiko, anoti ɀinofanira kuitwa kuɗaro? Neŋguʋa iyo Jesu akati kuʋanhu ʋazhinji: Maɓuɗa neminondo netȿimbo kuzondiɓata sendiri gororo here? Ndaigara mutembere mazuʋa ose, ndicidzidzisa, mukasandiɓata. Asi iɀi ɀose ɀaitwa kuti magwaro aʋaprofita aitike. Ɀino ʋadzidzi ʋose ʋakamusiya, ʋakatiza. Aʋo, ʋakaŋga ʋaɓata Jesu, ʋakamuisa kunaKayafasi, muprista mukuru, apo pakaŋga paʋuŋgana ʋanyori naʋakuru. Asi Petro wakamuteʋera ari kure, kuȿikira paruʋazhe rwomuprista mukuru, akapinda mukati, akagara naʋatariri kuzoʋona kupera kwaɀo. Ɀino ʋaprista ʋakuru namakurukota ose ʋakatȿaka ʋucapupu bgenhema kuti ʋapomere Jesu, ʋamuʋuraye; asi haʋana‐kuwana, kunyaŋge ɀapupu ɀizhinji ɀenhema ɀakaʋuya. Pashure ɀiʋiri ɀakaȿika, ɀikati: Munhu uyu wakati: Ndinogona kuputsa tembere yaMŋari, ndikaiʋaka ɀe namazuʋa matatu. Ɀino muprista mukuru akasimuka, akati kwaari: Haupinduri cinhu here? Cinyiko ici caʋanokupomedzera? Asi Jesu wakaramba anyerere. Muprista mukuru akati kwaari: Ndinokupikisa naMŋari mupenyu, kuti utiʋudze kana uri Kristu, Mŋanakomana waMŋari.

Verenga chikamu Mateo 26