Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 26:26-46

Mateo 26:26-46 SUB1949

Ʋakati ʋodya, Jesu akatora ciŋgwa, akaciropafadza, akacimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, aciti kwaʋari: Torai, mudye; ici ndiwo muʋiri waŋgu. Akatora mukombe, akaʋoŋga, akaʋapa, aciti: Inwai mose pauri. Nokuti ici iropa raŋgu resuŋgano itȿa, rakaɗururirwa ʋazhinji kuti ʋakaŋganwirwe ɀiʋi. Asi ndinoti kwamuri: Handicatoŋgonwi ɀe ɀiɓereko ɀomuzambiriŋga, kuȿikira zuʋa iro randicazonwa naro nemi, ɀaʋa ɀitȿa, muʋushe bgaƂaɓa ʋaŋgu. Ɀino ʋakati ʋaimba rwiyo, ʋakaɓuɗa ʋakaenda kugomo reMiorivi. Ɀino Jesu wakati kwaʋari: Imi mose mucagumburwa kwandiri ʋusiku bguno; nokuti kwakanyorwa, kucinzi: Ndicaroʋa mufudzi, namakwai eɓoka acaparadzwa. Asi kana ndamutswa, ndicakutuŋgamirirai Garirea. Ɀino Petro wakapindura, akati kwaari: Kana ʋose ʋakagumburwa kwamuri, ini handiŋgatoŋgogumburwi. Jesu akati kwaari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwauri, kuti ʋusiku bguno, joŋgwe risati rarira, ucandiramba katatu. Petro akati kwaari: Kunyaŋge ndikafanira kufa nemi, handiŋgatoŋgokurambiyi ini. Ʋadzidzi ʋose ʋakaɗaro ʋo. Ɀino Jesu wakaȿika naʋo panɀimbo inonzi Getsemani, akati kuʋadzidzi: Garai pano, ini ndicaenda kundonyeŋgetera uko. Akatora Petro naʋanakomana ʋaZebedi ʋaʋiri, akataŋga kuʋa neshuŋgu nokuɗumbirwa. Akati kwaʋari: Mŋeya waŋgu uneshuŋgu kwaɀo, kuȿikira pakufa; garai pano, murinde neni. Akapfuʋura mberi ɀishomanene, akawira pasi neciso cake, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana ɀicibvira, mukombe uyu ŋgaupfuʋure kwandiri; kunyaŋge ɀakaɗaro kurege kuʋa kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwenyu. Akaenda kuʋadzidzi, akaʋawana ʋaʋata; akati kunaPetro: Makaŋga musiŋgagoni seiko kurinda neni ŋguʋa imŋe cete? Rindai, munyeŋgetere, kuti murege kupinda mukuidzwa; mŋeya unoɗa hawo, asi nyama hainesimba. Akaenda ɀe rwecipiri, akanyeŋgetera, aciti: Ƃaɓa ʋaŋgu, kana mukombe uyu usiŋgagoni kupfuʋura ndisiŋgaunwi, kuɗa kwenyu ŋgakuitwe. Akaenda ɀe, akaʋawana ʋaʋata; nokuti meso aʋo akaŋga aɓatwa nehope. Akaʋasiya ɀe, akandonyeŋgetera rwecitatu, acitaura ɀe mashoko iwayo Ɀino akaenda kuʋadzidzi, akati kwaʋari: Ciʋatai henyu, muzorore; tarirai, ŋguʋa yaȿika, Mŋanakomana womunhu woiswa mumaʋoko aʋatadzi. Simukai, tiende; tarirai, wondiisa kwaʋari waʋa pedyo.

Verenga chikamu Mateo 26