Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 25:21-30

Mateo 25:21-30 SUB1949

Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa matarenta maʋiri akaʋuya ʋo, akati. Ishe, makandipa matarenta maʋiri; tarirai, ndawana mamŋe matarenta maʋiri. Ishe wake akati kwaari: Ɀakanaka, muranda wakanaka, wakatendeka; wakaŋga wakatendeka paɀinhu ɀishoma, ndicakuisa pamsoro peɀinhu ɀizhinji; pinda pamufaro washe wako. Wakaŋga apiwa tarenta rimŋe, naiye akaʋuya ʋo, akati: Ishe, ndakaŋga ndicikuziʋai imi, kuti muri munhu unehasha, munoceka pamusati makadɀara, munoʋuŋganidza pamusati makakusha; ɀino ndakatya, ndikandoʋiga tarenta renyu pasi; heco, cinhu cenyu! Ishe wake akapindura, akati kwaari: Iwe, muranda wakaipa, unoʋusimbe, wakaŋga uciziʋa kuti ndinoceka pandisina‐kudɀara, ndiciʋuŋganidza pandisina‐kukusha; saka waifanira kuisa mari yaŋgu kunaʋebaŋga, kuti pakuȿika kwaŋgu ndiŋgaɗai ndapiwa ɀaŋgu ɀawanda. Naiɀoɀo mutorerei tarenta rake, mupe unamatarenta anegumi. Nokuti mumŋe nomumŋe unaɀo, ucapiwa, aʋe neɀizhinji; asi usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Ƃuɗisirai muranda pasina, murima rokunze; ipapo pacaʋa nokucema nokugeɗa‐geɗa kwameno.

Verenga chikamu Mateo 25