Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 21:12-32

Mateo 21:12-32 SUB1949

Ɀino Jesu wakapinda mutembere, akaɓuɗisa ʋose ʋaiteŋgesa naʋaiteŋga mutembere; akawisa matafura aʋaitsinhanhisa mari, neɀigaro ɀaʋaiteŋgesa njiʋa, akati kwaʋari: Kwakanyorwa kucinzi: Imba yaŋgu icanzi imba yokunyeŋgetera, asi imi munoiita ɓako ramakororo. Ɀino mapofu naʋaikamhina ʋakaʋuya kwaari mutembere, akaʋaporesa. Asi ʋaprista ʋakuru naʋanyori ʋakati ʋaciʋona ɀinoshamisa ɀaakaŋga aciita, naʋana ʋaciɗanidzira mutembere, ʋaciti: Hosana kuMŋanakomana waDavidi! ʋakafa neshuŋgu, ʋakati kwaari: Unonzwa ɀaʋanotaura iʋaʋo here? Jesu akati kwaʋari: Hoŋo, hamuna‐kutoŋgoraʋa here, panoti: mumiromo yaʋacece naʋanomŋa makakwanisa kukudza? Akaʋasiya, akabva muguta, akaenda Betania, ndokuʋata’po. Maŋgwanani wakati acidzokera kuguta, akanzwa nzara. Ɀino, wakati aciʋona muʋonde mumŋe panzira, akaenda kwauri, akasawana cinhu kwauri, asi mashizha ɓedzi; akati kwauri: Ŋgakurege kuʋa neɀiɓereko kwauri nokusiŋgaperi. Muʋonde ukawoma pakarepo. Ʋadzidzi ʋakati ʋaciɀiʋona, ʋakashamiswa, ʋakati: Muʋonde wawoma pakarepo seiko? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ƌai maiʋa nokutenda, musiŋganyunyuti, hamuŋgaiti iɀi ɀomuʋonde ɓedzi, asi kana mukati kugomo iri: Simudzwa, ukandirwe muguŋgwa, ɀicaitwa. Neɀose ɀamunokumbira mucinyeŋgetera, kana mucitenda, mucaɀipiwa. Wakati acipinda mutembere, ʋaprista ʋakuru naʋakuru ʋaʋanhu ʋakaʋuya kwaari acidzidzisa, ʋakati: Munoita ɀinhu iɀoɀi nesimba ripiko? Ndiani wakakupai simba iri? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Neni ndicakubvunzai ʋo shoko rimŋe; kana mukandiʋudza iro, neni ndicakuʋudzai ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Rubapatidzo rwaJohane rwakabvepiko? Kuɗeŋga kana kuʋanhu here? Ʋakataurirana ʋaciti: Kana tikati, Kuɗeŋga, ucati kwatiri: Makagoregerei kumutenda? Asi kana tikati, Kuʋanhu, tinotya ʋanhu ʋazhinji; nokuti ʋose ʋanoti, Johane muprofita. Ʋakapindura, ʋakati kunaJesu: Hatiziʋi. Akati kwaʋari: Neni handiŋgakuʋudziyi ʋo simba randinoita naro ɀinhu iɀi. Ɀino munofuŋgeiko? Mumŋe munhu wakaŋga anaʋana ʋaʋiri; akaenda kunowokutaŋga, akati: Mŋana, enda nhasi kundoɓata mumunda waŋgu wemizambiriŋga. Iye akapindura, akati: Handiɗi; asi pashure akaɀidya mŋoyo, akaenda. Akaenda kunowecipiri, akataura saiɀoɀo. Iye akapindura, akati: Ndinoenda, ishe; akasaenda. Ndoupiko kunaiʋaʋo ʋaʋiri wakaita kuɗa kwaɓaɓa ʋake? Ʋakati: Wokutaŋga. Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Ʋateresi neɀifeʋe ʋanokutaŋgirai kupinda muʋushe bgaMŋari. Nokuti Johane wakaʋuya kwamuri nenzira yokururama, mukasamutenda, asi ʋateresi neɀifeʋe ʋakamutenda. Imi makati muciʋona iɀoɀo, hamuna‐kuzoɀidya mŋoyo mukamutenda.

Verenga chikamu Mateo 21