ƲaFarise naʋaSaduse ʋakaʋuya kuzomuidza, ʋakakumbira kwaari kuti aʋaratidze ciratidzo cinobva kuɗeŋga. Asi wakapindura, akati kwaʋari: Paŋguʋa yamaɗekwana munoti: Kucacena, nokuti ɗeŋga rakatȿuka. Maŋgwana munoti: Nhasi kucaȿiɓa, nokuti ɗeŋga rakatȿuka, ricifiɗuka. Munoziʋa kuɗudzira ɀinoʋonekwa muɗeŋga, asi hamugoni kuɗudzira ɀiratidzo ɀeŋguʋa. Rudzi rwakaipa rwoʋupombge runotȿaka ciratidzo, asi haruŋgapiwi ciratidzo, asi ciratidzo caJona. Ipapo akaʋasiya, akabva. Ɀino ʋadzidzi ʋakaenda mhiri, ʋakakaŋganwa kutora ɀiŋgwa. Jesu akati kwaʋari: Tarirai, mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ʋakaraŋgana pakati paʋo, ʋaciti: Unoɗaro, nokuti hatina‐kutora ciŋgwa. Ɀino Jesu, aciɀiziʋa, akati kwaʋari: Imi ʋokutenda kuɗuku, munoraŋgana pakati penyu nemhaka yeiko, kuti hamuneɀiŋgwa? Hamunzwisisi naɀino here, kana kuraŋgarira ɀiŋgwa ɀishanu ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀishanu, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? Kana ɀiŋgwa ɀinomŋe ɀaʋanhu ʋaneɀuru ɀinna, namateŋgu amakawana kuti aiʋa maŋgani? Hamunzwisisi neiko, kuti handina‐kutaura kwamuri pamsoro peɀiŋgwa? Asi mucenjere mbiriso yaʋaFarise naʋaSaduse. Ɀino ʋakanzwisisa kuti haana‐kutaura kuti ʋacenjere mbiriso yeɀiŋgwa, asi dzidziso yaʋaFarise naʋaSaduse.
Verenga chikamu Mateo 16
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 16:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo