Ɀino akaɗana ʋanhu ʋazhinji kwaari, akati kwaʋari: Tererai, munzwisise: Iɀo ɀinopinda mumuromo, haɀiȿiɓisi munhu, asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya kwaari, ʋakati: Munoziʋa kuti ʋaFarise ʋakagumburwa ʋacinzwa shoko iri here? Akapindura, akati: Muti mumŋe nomumŋe usina‐kusimŋa naƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga ucadzurwa. Ʋaregei; mapofu anotuŋgamirira mapofu. Ɀino kana ɓofu ricituŋgamirira ɓofu, acawira mugomba ose ari maʋiri. Petro akapindura, akati kwaari: Tiɗudzirei ʋo mufananidzo uyu. Iye akati: Naɀino nemi ʋo mucigere kunzwisisa here? Hamunzwisisi here kuti ɀose ɀinopinda mumuromo, ɀinoenda muɗumbu, ɀikazorashwa kunze? Asi ɀinoɓuɗa mumuromo, ɀinobva mumŋoyo; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu. Nokuti mumŋoyo munoɓuɗa mifuŋgo yakaipa, nokuʋuraya, noʋufeʋe, noʋupombge, nokuɓa, nokupupura nhema, nokumhura Mŋari; ndiɀo ɀinoȿiɓisa munhu; asi kudya namaʋoko asati ashambga, haɀiȿiɓisi munhu.
Ɀino Jesu wakabva’po, akaenda kumatiʋi enyika yeTire neSidoni. Ɀino, tarira, mukadzi muKanani wakabva kunyika iyo, akaɗana, aciti: Ndinzwirei ŋgoni, Ishe, Mŋanakomana waDavidi; mŋanasikana waŋgu wakaɓatwa kwaɀo nomŋeya wakaipa. Asi haana‐kumupindura neshoko rimŋe. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋakaʋuya ʋakakumbira kwaari, ʋaciti: Mumuendisei, nokuti unoɗanidzira shure kweɗu. Asi wakapindura, akati: Ndakaŋgotumirwa kumakwai akarashika eimba yaʋaIsraeri. Ɀino akaʋuya, akamunamata, akati: Ishe, ɗondiɓatsirai henyu. Akapindura, akati: Haɀina‐kunaka kutora ciŋgwa caʋana, ndokucikandira imbganana. Akati: Hoŋo, Ishe, kunyaŋge nembganana ʋo dzinodya ɀimeɗu ɀinoɗonha patafura raʋatenzi ʋadzo. Ɀino Jesu akapindura, akati kwaari: Haiwa, mai, kutenda kwako kukuru, ɀaunoɗa ŋgaɀiitwe. Mŋanasikana wake akapora kubva paŋguʋa iyo.
Jesu wakati acibva ipapo, akaenda napaguŋgwa reGarirea, akakwira mugomo, akagara’po pasi. Ɀino ʋanhu ʋazhinji ʋakaʋuya kwaari naʋanokamhina, neɀirema, namapofu, nembeʋeʋe, naʋamŋe ʋazhinji, ʋakaʋaisa pamberi paJesu; akaʋaporesa. Naiɀoɀo ʋanhu ʋazhinji ʋakashamiswa ʋaciʋona mbeʋeʋe dzicitaura, neɀirema ɀapora, naʋanokamhina ʋacifamba, namapofu aciʋona; ʋakarumbidza Mŋari waʋaIsraeri.
Ɀino Jesu wakaɗanira ʋadzidzi ʋake kwaari, akati: Ndinetsits inaʋanhu ʋazhinji aʋa, nokuti atoʋa mazuʋa matatu aʋakagara neni ʋasinaɀaʋaŋgadya; handiɗi kuʋaendisa ʋanenzara, ɀimŋe ʋaŋgaziya panzira. Ʋadzidzi ʋakati kwaari: Ticawanepiko murenje ɀiŋgwa ɀakawanda ɀakaɗaro, kuti tigutise ʋanhu ʋazhinji ʋakaɗai? Jesu akati kwaʋari: Muneɀiŋgwa ɀiŋganiko? Ʋakati: Ɀinomŋe, nehoʋe ɗuku shomanene. Ɀino akaraira ʋanhu ʋazhinji kuti ʋagare pasi; akatora ɀiŋgwa ɀinomŋe nehoʋe, akaʋoŋga, akaɀimeɗura, ndokupa ʋadzidzi ʋake, ʋadzidzi ʋakapa ʋanhu ʋazhinji. Ʋakadya ʋose, ʋakaguta; ʋakanoŋga ɀimeɗu ɀakasara, mateŋgu manomŋe azere. Ʋakadya ʋakaŋga ʋari ʋarume ʋaneɀuru ɀinna, ʋakadzi naʋana ʋasiŋgaʋereŋgwi. Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akapinda mugwa, akaȿika munyika yeMagadani.