Ɀino wakati aendisa ʋanhu ʋazhinji, akakwira mugomo ari oga kundonyeŋgetera; aʋa maɗekwana wakaŋga ari’po ari oga. Asi igwa ɀino rakaŋga raʋa pakati peguŋgwa, ricitambudzika namafuŋgu, nokuti mhepo yakaŋga iciʋadziʋisa. Neŋguʋa yecinna yoʋusiku akaʋuya kwaʋari, acifamba pamsoro peguŋgwa. Ɀino ʋadzidzi ʋakati ʋacimuʋona acifamba pamsoro peguŋgwa, ʋakamanikidzwa, ʋaciti madzimudzaŋgara, ʋakaɗanidzira nokutya. Pakarepo Jesu akataura naʋo, akati: Tsuŋgai mŋoyo ndini, musatya. Ɀino Petro akamupindura, akati: Ishe, kana muri’mi, ndiraire kuti ndiʋuye kwamuri pamsoro pemvura. Iye akati: Ʋuya! Petro akaɓuruka mugwa, akafamba pamsoro pemvura, akaenda kunaJesu. Asi wakati aciʋona mhepo inesimba, akatya; ɀino wakati otaŋga kunyura, akaɗanidzira aciti: Ishe, ndiponesei! Pakarepo Jesu akatambanudza ruʋoko rwake, akamuɓata, akati kwaari: Iwe unokutenda kuɗuku, wanyunyutireiko? Ʋakati ʋapinda mugwa, mhepo ikanyarara. Ipapo ʋakaŋga ʋari mugwa ʋakamunamata, ʋaciti: Ɀirokwaɀo, ndimi Mŋanakomana waMŋari!
Verenga chikamu Mateo 14
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 14:23-33
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo