Nezuʋa iro Jesu wakaɓuɗa mumba, akandogara paguŋgwa. Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kwaari, nokuɗaro akapinda mugwa, akagara; ʋazhinji ʋose ʋakamira pamhenderekedzo. Ipapo akaʋaʋudza ɀinhu ɀizhinji nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakaɓuɗa kundokusha. Ɀino pakukusha kwake dzimŋe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikaȿika dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika. Asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga. Asi dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko; dzimŋe zana, dzimŋe makumi matanhatu, dzimŋe makumi matatu. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe.
Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Munotaurireiko kwaʋari nemifananidzo? Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa. Nokuti aninani unaɀo ucapiwa, aʋe neɀakawanda; asi aninani usina, ucatorerwa neɀaanaɀo. Naiɀoɀo ndinotaura kwaʋari nemifananidzo, nokuti ʋanoʋona, asi haʋaʋoni; ʋanonzwa, asi haʋanzwi, kana kunzwisisa. Kuprofita kwaIsaya kwakaitika kwaʋari, kunoti:
Nokunzwa, mucanzwa, musiŋgatoŋgonzwisisi;
Nokuʋona, mucaʋona, musiŋgatoŋgoʋonesesi;
Nokuti mŋoyo yaʋanhu aʋa yaʋa mikukutu,
Nzeʋe dzaʋo dzakadziʋira;
Nameso aʋo ʋakaatsinzina.
Kuti ɀimŋe ʋarege kuʋona nameso,
Nokunzwa nenzeʋe,
Nokunzwisisa nomŋoyo,
Ʋakadzoka,
Ndiʋaporese.
Asi meso enyu akaropafadzwa, nokuti anoʋona; nenzeʋe dzenyu, nokuti dzinonzwa. Nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, kuti ʋaprofita naʋakarurama ʋazhinji ʋakaŋga ʋaciɗa kuʋona ɀinhu ɀamunoʋona, asi haʋanakuɀiʋona; nokunzwa ɀamunonzwa, asi haʋana‐kuɀinzwa. Naiɀoɀo imi inzwai mufananidzo womukushi. Kana munhu akanzwa shoko roʋushe, asiŋgarinzwisisi, wakaipa unoȿika, ndokubvuta cakakushwa mumŋoyo make. Ndiye wakakushwa panzira. Asi wakakushwa parukaŋgarabge, ndiye unonzwa shoko, ndokurigamucira pakarepo nomufaro. Asi haanomudzi mukati make, ndiye weciŋguʋa ciɗuku; kana kutambudzika nokuʋeŋgwa ɀiciʋuya nokuɗa kweshoko, pakarepo unogumburwa. Wakakushwa pakati peminzwa, ndiye unonzwa shoko; ɀino kufuŋganya kwenyika nokunyeŋgera kwefuma ɀinovuŋga shoko, rikashaiwa ɀiɓereko. Wakakushwa muvu rakanaka, ndiye unonzwa shoko, akarinzwisisa; ndiye unoɓereka ɀiɓereko, mumŋe aciita zana, mumŋe makumi matanhatu, mumŋe makumi matatu.
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgunofananidzwa nomunhu wakakusha mbeu yakanaka mumunda make. Asi ʋanhu ʋaʋete, muʋeŋgi wake akaʋuya, akakusha mashawi pakati peɀiyo, akaenda. Asi cipande cakati camera nokuɓereka, ɀino mashawi akaʋonekwa ʋo. Ɀino ʋaranda ʋomŋene weimba ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Ishe, hamuna‐kukusha mbeu yakanaka mumunda menyu here? Munda wawanepiko mashawi? Akati kwaʋari: Munhu unondiʋeŋga waita iɀoɀo. Ʋaranda ʋakati kwaari: Ko munoɗa kuti tindoaʋuŋganidza here? Akati: Kwete, ɀimŋe kana muciʋuŋganidza mashawi, muŋgadzura neɀiyo ʋo. Regai ɀikure ɀose ɀiri ɀiʋiri kuȿikira pakuceka; neŋguʋa yokuceka ndicati kuʋaceki: Taŋgai kuʋuŋganidza mashawi, muasuŋge mŋanda kuti apiswe, asi muʋuŋganidze ɀiyo muɗura raŋgu.
Wakaisa pamberi paʋo mumŋe mufananidzo, aciti: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana netsaŋga yembeu yemastarda, yakatorwa nomunhu, akaidɀara mumunda make; iyo iɗuku kumbeu dzose, asi kana yakura, ihuru pamiriʋo yose, inoita muti wakakura ukaɗaro kuti shiri dzokuɗeŋga dzinoʋuya, dzicigara pamataʋi awo.
Akaʋaʋudza mumŋe mufananidzo, akati: Ʋushe bgokuɗeŋga bgakafanana nembiriso yakatorwa nomukadzi, akaiisa muɀiyero ɀitatu ɀoʋupfu, kuȿikira bgose bgaʋiriswa.