Nezuʋa iro Jesu wakaɓuɗa mumba, akandogara paguŋgwa. Ɀino ʋanhu ʋazhinji‐zhinji ʋakaʋuŋgana kwaari, nokuɗaro akapinda mugwa, akagara; ʋazhinji ʋose ʋakamira pamhenderekedzo. Ipapo akaʋaʋudza ɀinhu ɀizhinji nemifananidzo, akati: Tarirai, mukushi wakaɓuɗa kundokusha. Ɀino pakukusha kwake dzimŋe mbeu dzakawira panzira, shiri dzikaȿika dzikadzidya. Dzimŋe dzakawira parukaŋgarabge, padzakaŋga dzisinevu zhinji, dzikamera pakarepo, nokuti dzakaŋga dzisinevu rakadzika. Asi zuʋa rakati raɓuɗa, dzikapiswa; dzikawoma, nokuti dzakaŋga dzisinomudzi. Dzimŋe dzakawira muminzwa; minzwa ikamera, ikadzivuŋga. Asi dzimŋe dzakawira muvu rakanaka, dzikaɓereka ɀiɓereko; dzimŋe zana, dzimŋe makumi matanhatu, dzimŋe makumi matatu. Unenzeʋe dzokunzwa, ŋgaanzwe. Ɀino ʋadzidzi ʋakaʋuya, ʋakati kwaari: Munotaurireiko kwaʋari nemifananidzo? Akapindura, akati kwaʋari: Nokuti imi makapiwa kuziʋa ɀakaʋanzika ɀoʋushe bgokuɗeŋga, asi aʋa haʋana‐kupiwa. Nokuti aninani unaɀo ucapiwa, aʋe neɀakawanda; asi aninani usina, ucatorerwa neɀaanaɀo.
Verenga chikamu Mateo 13
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 13:1-12
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo