Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 10:37-42

Mateo 10:37-42 SUB1949

Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni. Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni. Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana. Unokugamucirai imi, unondigamucireni; nounogamucireni, unogamucira wakandituma. Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama. Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.

Verenga chikamu Mateo 10