Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Mateo 10:31-42

Mateo 10:31-42 SUB1949

Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji. Mumŋe nomumŋe ucandipupura pamberi paʋanhu, neni ndicamupupura ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Asi mumŋe nomumŋe unondiramba pamberi paʋanhu, neni ndicamuramba ʋo pamberi paƂaɓa ʋaŋgu ʋari kuɗeŋga. Musafuŋga kuti ndakaʋuya kuisa rugare panyika; handina‐kuʋuya kuisa rugare, asi kurwa. Nokuti ndakaʋuya kupesanisa munhu naɓaɓa ʋake, nomŋanasikana namai ʋake, nomukadzi womŋana naʋamŋene ʋake; naʋaʋeŋgi ʋomunhu ʋacaʋa ʋeimba yake. Unoɗa ɓaɓa kana mai kupfuʋureni, haana‐kufanireni; nounoɗa mŋanakomana nomŋanasikana kupfuʋureni, haana‐kufanireni. Usiŋgatori mucinjikwa wake, akanditeʋera, haana‐kufanireni. Unowana ʋupenyu bgake, ucarashikirwa nabgo; asi unorashikirwa noʋupenyu bgake nokuɗa kwaŋgu, ucabguwana. Unokugamucirai imi, unondigamucireni; nounogamucireni, unogamucira wakandituma. Unogamucira muprofita muzita romuprofita, ucapiwa muɓairo womuprofita; nounogamucira wakarurama muzita rowakarurama, ucapiwa muɓairo wowakarurama. Aninani unopa muzita romudzidzi mumŋe waʋaɗuku aʋa mukombe ɓedzi wemvura inotonhora anwe, ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri, haaŋgatoŋgorashikirwi nomuɓairo wake.

Verenga chikamu Mateo 10