Tarirai, ndinokutumai samakwai pakati pamapere; saka cenjerai senyoka, mururame senjiʋa. Asi cenjerai ʋanhu, nokuti ʋacakuisai kuʋuŋgano dzamakurukota, nokukuroʋai ɀikuru mumasinagoge aʋo. Mucaiswa ʋo pamberi paʋaɓati namadzimambo nokuɗa kwaŋgu, muʋe ɀapupu kwaʋari nokuʋahedeni. Asi kana ʋacikuisai, musafuŋganya muciti mucataura sei, kana inyiko, nokuti mucapiwa neŋguʋa iyo ɀamunofanira kutaura. Nokuti hamuzimi munotaura, asi Mŋeya waƂaɓa ʋenyu unotaura mukati menyu. Mukoma ucaisa munuŋuna parufu, naɓaɓa mŋana waʋo; ʋana ʋacamukira ʋaɓereki ʋaʋo nokuʋaʋuraya. Mucaʋeŋgwa naʋose nokuɗa kwezita raŋgu; asi unotsuŋgirira kuȿikira pakuguma, ucaponeswa. Asi kana ʋacikutambudzai muguta rimŋe, tizirai kunerimŋe; nokuti ɀirokwaɀo ndinoti kwamuri: Hamuŋgapedzi maguta aʋaIsraeri, Mŋanakomana womunhu asati aȿika. Mudzidzi haakundi mudzidzisi wake, kana muranda ishe wake. Ɀakariŋganira mudzidzi kuti aʋe somudzidzisi wake, nomuranda aʋe sashe wake. Ɀaʋakaidza mŋene weimba Beerzeburi, ʋacaɗaro ɀikuru sei ʋeimba yake! Naiɀoɀo musaʋatya; nokuti hakunecinhu cakafukidzwa, cisiŋgazozarurwi; kana cakaʋanzika, cisiŋgazozikanwi. Ɀandinokuʋudzai murima, taurai pacena; ɀamunonzwa munzeʋe, paridzirai pamsoro pedzimba. Musatya ʋanoʋuraya muʋiri, asi ʋasiŋgagoni kuʋuraya mŋeya; ɀikuru mutye uyo unogona kuʋuraya mŋeya nomuʋiri ɀose muGehena. Ko shiri ɗuku mbiri hadziteŋgeswi nehafu yepeni here? Asi imŋe yaɀo haiŋgawiri pasi kunze kwaƂaɓa ʋenyu. Kana muri’mi, nevudzi romusoro wenyu rakaʋereŋgwa rose. Naiɀoɀo musatya; munopfuʋura shiri zhinji.
Verenga chikamu Mateo 10
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Mateo 10:16-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo