Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ruka 3:1-38

Ruka 3:1-38 SUB1949

Negore regumi namashanu rokuɓata kwaTiberio Kesari, Pontio Pirato ari muɓati weJudea, Herode ari muɓati weGarirea, Firipo munuŋuna wake, ari muɓati weIturea neTrakoniti, Risanio ari muɓati weAbirene, Anasi naKayafasi ʋari ʋaprista ʋakuru, shoko raMŋari rakaʋuya kunaJohane, mŋanakomana waZakaria, murenje. Iye akaenda munyika yose yakapoteredza yaJoridani, akaparidza rubapatidzo rwokutendeʋuka kuzokaŋganwirwa ɀiʋi; seɀaɀakanyorwa mubuku yamashoko aIsaya muprofita, ɀicinzi: Inzwi rounoɗana murenje, Gadzirai nzira yaShe, Ruramisai migwagwa yake. Mipata yose icafusirwa, Makomo ose neɀikomo ɀose ɀicaɗeredzwa; Ɀakakombama ɀicaruramiswa, Pasakaenzana pacaitwa nzira dzakaenzaniswa; Nyama yose icaʋona ruponeso rwaMŋari. Naiɀoɀo wakati kuʋazhinji ʋaiʋuya kuzobapatidzwa naye: Imi ʋana ʋenyoka, ndianiko wakakunyeʋerai kuti mutize kutsamŋa kunoʋuya? Naiɀoɀo ɓerekai ɀiɓereko ɀakafanira kutendeʋuka; musataŋga kureʋa mumŋoyo menyu, muciti: Abrahama ndiɓaɓa ʋeɗu; nokuti ndinoti kwamuri: Mŋari uŋgamutsira Abrahama ʋana pamabge awa. Ɀino sanhu ratoiswa pamudzi wemiti; naiɀoɀo muti mumŋe nomumŋe usiŋgaɓereki ciɓereko cakanaka, unotemŋa, ukakandirwa mumŋoto. Ʋanhu ʋazhinji ʋakamubvunza, ʋaciti: Ɀino toɗiniko? Akapindura, akati kwaʋari: Uneŋguʋo mbiri ŋgaagoʋane nousina; nouneɀokudya ŋgaaite saiɀoɀo. Naʋateresi ʋakaʋuya ʋo kuzobapatidzwa, ʋakati kwaari: Mudzidzisi, toɗiniko? Akati kwaʋari: Musareʋa mari kupfuʋura pamakarairwa napo. Naʋarwi ʋo ʋakamubvunza, ʋaciti: Nesu ʋo toɗiniko? Akati kwaʋari: Musatorera munhu cinhu nesimba, kana kupomera munhu nhema; mutende nomuɓairo wenyu. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacatarira, ʋose ʋaciraŋgarira mumŋoyo maʋo pamsoro paJohane, kuti ɀimŋe ndiKristu, Johane akapindura, akati kunaʋose: Ini ndinokubapatidzai nemvura, asi uyu unoʋuya, unesimba kupfuʋureni, wandisina‐kufanira kusunuŋgura rukanda rweshaŋgu dzake; iye ucakubapatidzai noMŋeya Mutȿene nomŋoto. Rusero rwake ruri muruʋoko rwake; ucanatsa ɓuriro rake kwaɀo; ucaʋuŋganidzira ɀiyo muɗura rake; asi hundi ucaipisa nomŋoto usiŋgadzimŋi. Akaparidzira ʋanhu Evaŋgeri, aciʋaraira namamŋe mashoko mazhinji; asi Herode muɓati, wakati arairwa naye pamsoro paHerodiasi, mukadzi womunuŋuna wake, neɀakaipa ɀose ɀaakaŋga aita iye Herode, wakawedzera pamsoro peɀose cinhu ici, kuti wakapfigira Johane mutoroŋgo. Ʋanhu ʋose ʋakati ʋabapatidzwa, naiye Jesu abapatidzwa ʋo, acinyeŋgetera, ɗeŋga rikazarurwa, Mŋeya Mutȿene akaɓurukira pamsoro pake nomufananidzo wakaita sowenjiʋa, inzwi rikabva kuɗeŋga, riciti: Ndiwe Mŋanakomana waŋgu, unoɗikanwa; ndinokufarira. Ɀino iye Jesu wakaŋga anamakore aneŋge makumi matatu, ŋguʋa yaakataŋga kudzidzisa, ari, pakufuŋga kwaʋanhu, mŋanakomana waJosefa, mŋanakomana waHeri, mŋanakomana waMatati, mŋanakomana waRevi, mŋanakomana waMerki, mŋanakomana waJanai, mŋanakomana waJosefa, mŋanakomana waMatatiasi, mŋanakomana waAmosi, mŋanakomana waNaumi, mŋanakomana waEsri, mŋanakomana waNagai, mŋanakomana waMaati, mŋanakomana waMatatiasi, mŋanakomana waSemeini, mŋanakomana waJoseki, mŋanakomana waJoda, mŋanakomana waJoanani, mŋanakomana waResa, mŋanakomana waZorobaberi, mŋanakomana waSaratieri, mŋanakomana waNeri, mŋanakomana waMerki, mŋanakomana waAdi, mŋanakomana waKosamu, mŋanakomana waErmadamu, mŋanakomana waEri, mŋanakomana waJesu, mŋanakomana waEriezeri, mŋanakomana waJorimu, mŋanakomana waMatati, mŋanakomana waRevi, mŋanakomana waSimeoni, mŋanakomana waJuda, mŋanakomana waJosefa, mŋanakomana waJonamu, mŋanakomana waEriakimu, mŋanakomana waMerea, mŋanakomana waMena, mŋanakomana waMatata, mŋanakomana waNatamu, mŋanakomana waDavidi, mŋanakomana waJese, mŋanakomana waJobedi, mŋanakomana waBoosi, mŋanakomana waSara, mŋanakomana waNasoni, mŋanakomana waAminadabi, mŋanakomana waAdmini, mŋanakomana waArni, mŋanakomana waEsromi, mŋanakomana waFaresi, mŋanakomana waJuda, mŋanakomana waJakobo, mŋanakomana waIsaka, mŋanakomana waAbrahama, mŋanakomana waTara, mŋanakomana waNahori, mŋanakomana waSeruki, mŋanakomana waRagau, mŋanakomana waFareki, mŋanakomana waEberi, mŋanakomana waSara, mŋanakomana waKainami, mŋanakomana waArfaksadi, mŋanakomana waSemu, mŋanakomana waNoa, mŋanakomana waRameki, mŋanakomana waMatusara, mŋanakomana waEnoki, mŋanakomana waJareti, mŋanakomana waMarereeri, mŋanakomana waKainami, mŋanakomana waEnosi, mŋanakomana waSeti, mŋanakomana waAdama, mŋanakomana waMŋari.

Verenga chikamu Ruka 3