Ɀiratidzo ɀicaʋa’po pazuʋa napamŋedzi, napanyeredzi; napanyika ʋurombo bgaʋanhu, ʋacikaŋganiswa nokutinhira kweguŋgwa namafuŋgu; ʋanhu ʋacapera nokutya nokutarira ɀinowira nyika; nokuti masimba okuɗeŋga acaɗeŋgenyeka. Ipapo ʋacaʋona Mŋanakomana womunhu aciʋuya negore, nesimba rokubginya kukuru. Asi kana iɀoɀi ɀicitaŋga kuitika, tarirai kumsoro, musimudze misoro yenyu, nokuti kusunuŋgurwa kwenyu kwasweɗera. Ɀino akaʋataurira mufananidzo, aciti: Tarirai muʋonde nemiti yose; Kana yotuŋga, mukaɀiʋona, munoziʋa mumene, kuti ɀino zhezha raʋa pedyo. Saiɀoɀo, nemi ʋo, kana moʋona iɀoɀo ɀoitwa, ziʋai kuti ʋushe bgaMŋari bgaʋa pedyo.
Verenga chikamu Ruka 21
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Ruka 21:25-31
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo