NaJosefa ʋo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judea, kuguta raDavidi, rinonzi Betrehema, nokuti waiʋa weimba yaDavidi, noworudzi rwake; kuti anyorwe naMaria, wakaŋga anyeŋgwa naye, aʋa nemimba. Ɀino ʋakati ʋari’po, mazuʋa okuɀara kwake akaȿika; akaɀara ɗaŋgwe rake mŋanakomana, akamuputira nemiceka, akamuʋanzarika mucidyiro ceɀipfuwo, nokuti ʋakashaiwa nɀimbo mumba maʋaeni.
Ɀino kwakaŋga kunaʋafudzi munyika iyo, ʋaigara kuʋuragu ʋacirinda mapoka aʋo ʋusiku. Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumŋa akati kwaʋari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, ucaʋa waʋanhu ʋose; nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ici ndico ciratidzo kwamuri: Mucandowana rushiye, rwakaputirwa nemiceka, ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ipapo kamŋe‐kamŋe kukaʋa’po pamŋe cete nomutumŋa, ʋazhinji ʋehondo yokuɗeŋga, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciti:
Mŋari ŋgaarumbidzwe kumsoro‐soro,
Norugare ŋgaruʋe naʋanhu ʋaanofarira.
Ɀino ʋatumŋa ʋakati ʋabva kwaʋari, ʋaenda kuɗeŋga, ʋafudzi ʋakataurirana, ʋaciti: Ŋgatiende heɗu Betrehema, tindoʋona cinhu ici cakaitwa, catakaziʋiswa naShe. Ipapo ʋakakurumidza kuenda, ʋakawana Maria naJosefa, norushiye ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ʋakati ʋaʋona, ʋakaziʋisa kwose shoko raʋakaŋga ʋaʋudzwa romŋana uyo. Ʋose ʋakanzwa ʋakashamiswa neɀaʋakaʋudzwa naʋafudzi. Asi Maria wakaceŋgeta mashoko iwayo ose, aciafuŋgisisa mumŋoyo make. Ɀino ʋafudzi ʋakadzokera kwakare, ʋacikudza nokurumbidza Mŋari pamsoro peɀose ɀaʋakanzwa neɀaʋakaʋona, seɀaʋakaŋga ʋaʋudzwa.