Ɀino namazuʋa iwayo cireʋo cakaitwa naKesari Augusto, kuti nyika yose inyorwe mazita. Uku ndokwaiʋa kunyorwa kwokutaŋga, kwakaitwa Kuriniosi ari muɓati weSiria. Ʋanhu ʋose ʋakaenda kundonyorwa, mumŋe nomumŋe kuguta rake. NaJosefa ʋo wakabva Garirea, muguta reNazareta, akaenda Judea, kuguta raDavidi, rinonzi Betrehema, nokuti waiʋa weimba yaDavidi, noworudzi rwake; kuti anyorwe naMaria, wakaŋga anyeŋgwa naye, aʋa nemimba. Ɀino ʋakati ʋari’po, mazuʋa okuɀara kwake akaȿika; akaɀara ɗaŋgwe rake mŋanakomana, akamuputira nemiceka, akamuʋanzarika mucidyiro ceɀipfuwo, nokuti ʋakashaiwa nɀimbo mumba maʋaeni.
Ɀino kwakaŋga kunaʋafudzi munyika iyo, ʋaigara kuʋuragu ʋacirinda mapoka aʋo ʋusiku. Mutumŋa waShe akamira naʋo, nokubginya kwaShe kukaʋakomba, ʋakatya nokutya kukuru. Ipapo mutumŋa akati kwaʋari: Musatya; nokuti tarirai, ndinokuparidzirai mashoko omufaro mukuru, ucaʋa waʋanhu ʋose; nokuti nhasi maɀarirwa muguta raDavidi Muponesi, ndiye Kristu Ishe. Ici ndico ciratidzo kwamuri: Mucandowana rushiye, rwakaputirwa nemiceka, ruʋete mucidyiro ceɀipfuwo. Ipapo kamŋe‐kamŋe kukaʋa’po pamŋe cete nomutumŋa, ʋazhinji ʋehondo yokuɗeŋga, ʋacirumbidza Mŋari, ʋaciti