Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 6:41-71

Johane 6:41-71 SUB1949

Ɀino ʋaJuda ʋakaŋuŋuna pamsoro pake, nokuti wakati: Ndini ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga. Ʋakati: Uyu haazi Jesu, Mŋanakomana waJosefa, watinoziʋa ɓaɓa namai ʋake here? Ɀino uŋgagoti seiko: Ndakaɓuruka kuɗeŋga? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Musaŋuŋuna pakati penyu. Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri. Handireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoʋupenyu bgusiŋgaperi. Ndini ciŋgwa coʋupenyu. Madziɓaɓa enyu akadya mana murenje, akafa. Ici ndico ciŋgwa, cinoɓuruka kuɗeŋga, kuti munhu acidye, arege kufa. Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika. Ɀino ʋaJuda ʋakakakaʋara pakati paʋo, ʋaciti: Munhu uyu uŋgatipa seiko nyama yake, tidye? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana musiŋgadyi nyama yoMŋanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamunoʋupenyu mamuri. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Nokuti nyama yaŋgu ndiɀo ɀokudya ɀaɀokwaɗi, neropa raŋgu ɀokunwa ɀaɀokwaɗi. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unogara mandiri, neni maari. Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni. Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi. Wakareʋa ɀinhu iɀi musinagoge, acidzidzisa paKapernaume. Ɀino ʋazhinji ʋaʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Iri shoko igukutu; ndianiko uŋgarinzwa? Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa mumŋoyo make kuti ʋadzidzi ʋake ʋanoŋuŋuna neshoko irero, akati kwaʋari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi? Mucagoɗiniko kana muciʋona Mŋanakomana womunhu acikwira kwaaiʋa pakutaŋga? Mŋeya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mŋeya noʋupenyu. Asi ʋamŋe ʋenyu ʋari’ko ʋasiŋgatendi; nokuti Jesu wakaŋga aciziʋa kubva pakutaŋga, kuti ʋaisatenda ndiʋanani, ʋuye kuti ndiani waizomupandukira. Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana asina‐kuɀipiwa naƂaɓa. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋakadzokera shure, ʋakasazofamba naye. Jesu akati kunaʋanegumi naʋaʋiri: Nemi munoɗa kubva ʋo here? Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, ticagoenda kunaniko? Ndimi munamashoko oʋupenyu bgusiŋgaperi. Isu takatenda, tikaziʋa kuti ndimi Mutȿene waMŋari. Jesu akapindura, akati: Handina‐kukusanaŋgurai, imi ʋanegumi naʋaʋiri here? Asi mumŋe wenyu ndowaDiaborosi. Wakareʋa Judasi, mŋanakomana waSimoni Iskarioti, nokuti ndiye waizomupandukira, waiʋa mumŋe waʋanegumi naʋaʋiri.

Verenga chikamu Johane 6