Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 6:25-70

Johane 6:25-70 SUB1949

Ɀino ʋakati ʋamuwana mhiri kweguŋgwa, ʋakati kwaari: Rabi, maʋuya pano riniko? Jesu akaʋapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Hamunditȿaki nokuti makaʋona ɀiratidzo, asi nokuti makadya ɀiŋgwa mukaguta. Musaɓatira ɀokudya ɀinopera, asi ɀokudya ɀinogara kuʋupenyu bgusiŋgaperi, ɀamucapiwa noMŋanakomana womunhu; nokuti Ƃaɓa, Mŋari, ʋakaisa cisimbiso kwaari. Ɀino ʋakati kwaari: Ticaiteiko, kuti tiɓate maɓasa aMŋari? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Ƃasa raMŋari ndiro, kuti mutende kunaiye waakatuma. Ɀino ʋakati kwaari: Munoita ciratidzo cipiko, kuti tiʋone, tikutendei? Imi munoɓateiko? Madziɓaɓa eɗu akadya mana murenje, seɀaɀakanyorwa, ɀicinzi: Wakaʋapa ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, kuti ʋadye. Ɀino Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Wakaŋga asi iye Mosesi, wakakupai ciŋgwa cakabva kuɗeŋga, asi ndiƂaɓa ʋaŋgu ʋanokupai ciŋgwa caɀokwaɗi, cinobva kuɗeŋga. Nokuti ciŋgwa caMŋari ndico cinoɓuruka kuɗeŋga, cinopa nyika ʋupenyu. Ɀino ʋakati kwaari: Ishe, tipei ciŋgwa ici misi yose. Jesu akati kwaʋari: Ndini ciŋgwa coʋupenyu; unoʋuya kwandiri, haaŋgatoŋgoʋi nenzara, nounotenda kwandiri haaŋgatoŋgoʋi nenyota. Asi ndakakuʋudzai, kuti makandiʋona, asi hamutendi. Ɀose Ƃaɓa ɀaʋanondipa ɀicaʋuya kwandiri; nounoʋuya kwandiri, handiŋgatoŋgomurashiri kunze. Nokuti handina‐kuɓuruka kuɗeŋga, kuti ndiite kuɗa kwaŋgu, asi kuɗa kwowakandituma. Kuɗa kwowakandituma ndiko, kuti paɀose ɀaakandipa, ndirege kurashikirwa necimŋe, asi kuti ndicimutse nezuʋa rokupedzisira. Nokuti kuɗa kwaƂaɓa ʋaŋgu ndiko, kuti mumŋe nomumŋe, unotarira Mŋanakomana, nokutenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Ɀino ʋaJuda ʋakaŋuŋuna pamsoro pake, nokuti wakati: Ndini ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga. Ʋakati: Uyu haazi Jesu, Mŋanakomana waJosefa, watinoziʋa ɓaɓa namai ʋake here? Ɀino uŋgagoti seiko: Ndakaɓuruka kuɗeŋga? Jesu akapindura, akati kwaʋari: Musaŋuŋuna pakati penyu. Hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana Ƃaɓa, ʋakandituma, ʋasiŋgamukweʋi; neni ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Muʋaprofita makanyorwa, mucinzi: Ʋacadzidziswa ʋose naMŋari. Mumŋe nomumŋe wakaɀinzwa kunaƂaɓa, akadzidza, unoʋuya kwandiri. Handireʋi kuti kunomunhu wakaʋona Ƃaɓa; asi uyo unobva kunaMŋari, ndiye wakaʋona Ƃaɓa. Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Unotenda, unoʋupenyu bgusiŋgaperi. Ndini ciŋgwa coʋupenyu. Madziɓaɓa enyu akadya mana murenje, akafa. Ici ndico ciŋgwa, cinoɓuruka kuɗeŋga, kuti munhu acidye, arege kufa. Ndini ciŋgwa cipenyu, cakaɓuruka kuɗeŋga; kana munhu acidya ciŋgwa ici, ucararama nokusiŋgaperi; ciŋgwa candicapa, inyama yaŋgu, bguʋe ʋupenyu bgenyika. Ɀino ʋaJuda ʋakakakaʋara pakati paʋo, ʋaciti: Munhu uyu uŋgatipa seiko nyama yake, tidye? Jesu akati kwaʋari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwamuri: Kana musiŋgadyi nyama yoMŋanakomana womunhu, nokunwa ropa rake, hamunoʋupenyu mamuri. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unoʋupenyu bgusiŋgaperi; ini ndicamumutsa nezuʋa rokupedzisira. Nokuti nyama yaŋgu ndiɀo ɀokudya ɀaɀokwaɗi, neropa raŋgu ɀokunwa ɀaɀokwaɗi. Unodya nyama yaŋgu, nounonwa ropa raŋgu, unogara mandiri, neni maari. Ƃaɓa ʋapenyu, seɀaʋakandituma, neni ndicirarama naƂaɓa; saiɀoɀo unondidya, ucararama neni. Ici ndico ciŋgwa cakaɓuruka kuɗeŋga; haɀina‐kuita samadziɓaɓa akadya, akafa; unodya ciŋgwa ici ucararama nokusiŋgaperi. Wakareʋa ɀinhu iɀi musinagoge, acidzidzisa paKapernaume. Ɀino ʋazhinji ʋaʋadzidzi ʋake ʋakati ʋaciɀinzwa, ʋakati: Iri shoko igukutu; ndianiko uŋgarinzwa? Asi Jesu, ɀaakaŋga aciziʋa mumŋoyo make kuti ʋadzidzi ʋake ʋanoŋuŋuna neshoko irero, akati kwaʋari: Iri shoko rinokugumbusai kanhi? Mucagoɗiniko kana muciʋona Mŋanakomana womunhu acikwira kwaaiʋa pakutaŋga? Mŋeya ndiye unoraramisa, nyama hainamaturo; mashoko andakataura kwamuri, ndiwo mŋeya noʋupenyu. Asi ʋamŋe ʋenyu ʋari’ko ʋasiŋgatendi; nokuti Jesu wakaŋga aciziʋa kubva pakutaŋga, kuti ʋaisatenda ndiʋanani, ʋuye kuti ndiani waizomupandukira. Akati: Nemhaka iyi ndakati kwamuri, kuti hakunomunhu uŋgaʋuya kwandiri, kana asina‐kuɀipiwa naƂaɓa. Ipapo ʋadzidzi ʋake ʋazhinji ʋakadzokera shure, ʋakasazofamba naye. Jesu akati kunaʋanegumi naʋaʋiri: Nemi munoɗa kubva ʋo here? Simoni Petro akamupindura, akati: Ishe, ticagoenda kunaniko? Ndimi munamashoko oʋupenyu bgusiŋgaperi. Isu takatenda, tikaziʋa kuti ndimi Mutȿene waMŋari. Jesu akapindura, akati: Handina‐kukusanaŋgurai, imi ʋanegumi naʋaʋiri here? Asi mumŋe wenyu ndowaDiaborosi.

Verenga chikamu Johane 6