Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 4:27-38

Johane 4:27-38 SUB1949

Ɀino ʋadzidzi ʋake ʋakaȿika, ʋakashamiswa ʋaciʋona kuti unotaurirana nomukadzi; kunyaŋge ɀakaɗaro hakunomumŋe wakati: Munotȿakeiko? Kana: Munotaurireiko naye? Ipapo mukadzi akasiya ciroŋgo cake, akaenda muguta, akati kuʋanhu: Ʋuyai muʋone munhu, wakandiʋudza ɀose ɀandakaita. Ko uyu handiti ndiye Kristu here? Ʋakaɓuɗa muguta, ʋakaenda kwaari. Neŋguʋa iyo ʋadzidzi ʋake ʋakafano‐munyeŋgetera, ʋaciti: Rabi, cidyai. Iye akati kwaʋari: Ini ndineɀokudya, ɀandinodya, ɀamusiŋgaziʋi. Ɀino ʋadzidzi ʋakataurirana, ʋaciti: Kasi mumŋe wamuʋigira ɀokudya kanhi? Jesu akati kwaʋari: Ɀokudya ɀaŋgu ndiɀo, kuti ndiite kuɗa kwowakandituma, nokupedza ɓasa rake. Ko imi hamuti: Kwasara mŋedzi minna, kuceka kwaȿika? Tarirai, ini ndinoti kwamuri: Simudzai meso enyu, ʋonai minda, kuti yatoibvira kuceka. Unoceka unopiwa muɓairo, unoʋuŋganidza ɀiɓereko muʋupenyu bgusiŋgaperi; kuti unokusha nounoceka ʋafare ʋose. Nokuti shumo ndeyaɀokwaɗi, inoti: Mumŋe unokusha, mumŋe aciceka. Ndakakutumai kundoceka ɀamusakaɓatira; ʋamŋe ʋakaɓata, ɀino imi mapinda paneɀaʋakaɓatira iʋo.

Verenga chikamu Johane 4