Kwaiʋa’po mumŋe waʋaFarise, wainzi Nikodimo, mukuru waʋaJuda. Iye akaʋuya kwaari ʋusiku, akati kwaari: Rabi, tinoziʋa kuti muri Mudzidzisi wakabva kunaMŋari; nokuti hakunomunhu unogona kuita ɀiratidzo iɀoɀo ɀamunoita, kana Mŋari asi naye. Jesu akapindura, akati kwaari: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi kutȿa, haaŋgaʋoni ʋushe bgaMŋari. Nikodimo akati kwaari: Munhu uŋgagoɓerekwa seiko aʋa mukuru? Uŋgapinda ɀe muɗumbu ramai ʋake rwecipiri, akaɓerekwa here? Jesu akapindura, akati: Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Kana munhu asiŋgaɓerekwi nemvura noMŋeya, haaŋgagoni kupinda muʋushe bgaMŋari. Cakaɓerekwa nenyama inyama, cakaɓerekwa noMŋeya, mŋeya. Usashamiswa, nokuti ndakati kwauri: Munofanira kuɓerekwa kutȿa. Mhepo inovuvuta painoɗa napo, unonzwa inzwi rayo, asi hauziʋi painobva napainoenda; mumŋe nomumŋe wakaɓerekwa noMŋeya wakaɗaro. Nikodimo akapindura, akati kwaari: Ɀinhu iɀi ɀiŋgagoitwa seiko? Jesu akapindura, akati kwaari: Iwe uri mudzidzisi waʋaIsraeri, haunzwisisi ɀinhu iɀoɀi here? Ɀirokwaɀo, ɀirokwaɀo, ndinoti kwauri: Tinotaura ɀatinoziʋa, tinopupura ɀatakaʋona; asi imi hamugamuciri kupupura kweɗu. Kana ndakakuʋudzai ɀinhu ɀenyika, mukasatenda, muŋgagotenda seiko, kana ndicikuʋudzai ɀinhu ɀokuɗeŋga? Hakunomunhu wakakwira kuɗeŋga, asi iye wakaɓuruka kuɗeŋga, iye Mŋanakomana womunhu. Mosesi seɀaakasimudza nyoka murenje, saiɀoɀo Mŋanakomana womunhu unofanira kusimudzwa ʋo, kuti aninani unotenda kwaari, aʋe noʋupenyu bgusiŋgaperi.