Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 20:13-18

Johane 20:13-18 SUB1949

Iʋo ʋakati kwaari: Mai, munocemeiko? Akati kwaʋari: Nokuti ʋakabvisa Ishe waŋgu, ɀino handiziʋi kwaʋakamuisa. Ɀino wakati acireʋa iɀoɀo, akatendeʋukira shure, akaʋona Jesu amire; asi haana‐kuziʋa kuti ndiJesu. Jesu akati kwaari: Mai, munocemeiko? Munotȿaka aniko? Iye aciti ndiye murimi womunda, akati kwaari: Ishe, kana muri imi mamubvisa, ndiʋudzei pamamuisa, ndindomutora. Jesu akati kwaari: Maria! Iye akatendeʋuka, akati kwaari neciHeberu: Raboni; ndokuti: Mudzidzisi. Jesu akati kwaari: Usandiɓata, nokuti ndicigere kukwira kunaƂaɓa ʋaŋgu; asi enda kuhama dzaŋgu, uti kwaʋari: Ndinokwira kunaƂaɓa ʋaŋgu naƂaɓa ʋenyu, kunaMŋari waŋgu naMŋari wenyu. Maria Magdarene akaenda, akaʋudza ʋadzidzi, aciti: Ndaʋona Ishe, ʋuye kuti wakaŋga aʋudzwa ɀinhu iɀi naye.

Verenga chikamu Johane 20