Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 19:19-42

Johane 19:19-42 SUB1949

Pirato akanyora ʋo rugwaro, akaruisa pamucinjikwa; kwakaŋga kwakanyorwa, kucinzi: JESU WENAZARETA, MAMBO WAƲAJUDA. Ɀino ʋaJuda ʋazhinji ʋakaraʋa rugwaro urwo; nokuti nɀimbo iyo pakaŋga pakaroʋerwa Jesu pamucinjikwa, yaiʋa pedyo neguta; rwakaŋga rwakanyorwa neciHeberu, neciRoma, neciGiriki. Ipapo ʋaprista ʋakuru ʋaʋaJuda ʋakati kunaPirato: Musanyora muciti: Mambo waʋaJuda, asi kuti, Iye wakati: Ndiri mambo waʋaJuda. Pirato akapindura, akati: Ɀandanyora, ndanyora. Ɀino ʋarwi ʋakati ʋaroʋera Jesu pamucinjikwa, ʋakatora ŋguʋo dzake, ʋakaita migoʋe minna, murwi mumŋe nomumŋe mugoʋe wake; neŋguʋo yapasi ʋo. Ɀino ŋguʋo iyi yakaŋga isina‐pakasonwa, asi yakaŋga yakarukwa yose kubva kumsoro kwayo. Ɀino ʋakataurirana, ʋaciti: ŋgatirege kuibvarura, asi tikande mijenya pamsoro payo, tiʋone kuti icaʋa yani; kuti Rugwaro ruitike, runoti: Ʋakagoʋana ŋguʋo dzaŋgu pakati paʋo, Ʋakakanda mijenya pamsoro pecokufuka caŋgu. Ndiɀo ɀakaitwa naʋarwi. Ɀino pamucinjikwa waJesu pakaŋga pamire mai ʋake, nomunuŋuna wamai ʋake, Maria, mukadzi waKropasi, naMaria Magdarene. Ɀino Jesu wakati aciʋona mai ʋake, nomudzidzi waaiɗa, amire’po, akati kunamai ʋake: Mai, tarirai, mŋanakomana wenyu. Ipapo akati kumudzidzi: Tarira mai ʋako. Kubva paŋguʋa iyo mudzidzi akaʋatora, akaʋaisa kumba kwake. Shure kwaiɀoɀo, Jesu wakati aciziʋa kuti ɀose ɀapera, kuti Rugwaro ruitike, akati: Ndinenyota. Pakaŋga pamire’po hari izere nevinega; ɀino ʋakaisa cipanje cizere nevinega parutanda rwehisopi, ʋakaruisa kumuromo wake. Ɀino Jesu wakati agamucira vinega, akati: Ɀapera! akakotamisa musoro wake, akapa Mŋari mŋeya wake. Ɀino ɀawaiʋa musi woKugadzirira paseka, ʋaJuda ʋakakumbira kunaPirato kuti makumbo aʋo avunwe, ʋabviswe, kuti mitumbu irege kugara pamucinjikwa nesaɓata, nokuti zuʋa iro resaɓata raiʋa guru. Naiɀoɀo ʋarwi ʋakaʋuya, ʋakavuna makumbo owokutaŋga, noomumŋe wakaŋga aroʋerwa pamucinjikwa pamŋe cete naye; asi ʋakati ʋaciȿika kunaJesu, ʋaciʋona kuti watofa hake, haʋana‐kuvuna makumbo ake, asi mumŋe murwi wakaɓaya rutiʋi rwake nepfumo, pakarepo ropa nemvura ɀikaɓuɗa. Uyo wakaʋona, ndiye wakapupura, ʋuye kupupura kwake ndokwaɀokwaɗi; iye unoziʋa kuti unoreʋa ɀirokwaɀo, kuti nemi ʋo mutende. Nokuti iɀoɀo ɀakaitwa, kuti Rugwaro ruitike, runoti: Fupa rake hariŋgavunwi. Norumŋe Rugwaro ɀe runoti: Ʋacatarira uyo waʋakabvoʋora. Shure kwaiɀoɀo Josefa weArimatia, waiʋa mudzidzi waJesu, asi cinyararire nokutya ʋaJuda, wakakumbira kunaPirato kuti abvise mutumbu waJesu; Pirato akamutendera. Ipapo akaʋuya, akabvisa mutumbu wake NaNikodimo ʋo, iye wakamboʋuya kwaari pakutaŋga ʋusiku, wakaʋuya anemura nearosi ɀakaveŋganiswa, mapaundi aneŋge zana. Ipapo ʋakatora mutumbu waJesu, ʋakauputira nemiceka pamŋe cete neɀinonhuwira, seɀinoita ʋaJuda pakuʋiga kwaʋo. Panɀimbo iyo, paakaroʋerwa pamucinjikwa, pakaŋga panomunda; mumunda imomo maiʋa nobgiro bgutȿa, makaŋga musinakumboiswa munhu. Ɀino ʋakaisa Jesu ipapo, ɀawakaŋga uri musi woKugadzirira kwaʋaJuda, (nokuti bgiro bgakaŋga bguri pedyo).

Verenga chikamu Johane 19