Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu. Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe. Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa. Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu. Ƃaɓa seɀaʋakandiɗa, neni ndakakuɗai; garai muruɗo rwaŋgu.
Verenga chikamu Johane 15
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Johane 15:5-9
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo