Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 15:4-11

Johane 15:4-11 SUB1949

Garai mandiri, neni mamuri. Seɗaʋi risiŋgagoni kuɓereka ɀiɓereko roga, kana risiŋgagari mumuzambiriŋga; saiɀoɀo nemi ʋo, kana musiŋgagari mandiri. Ini ndiri muzambiriŋga, imi muri mataʋi. Unogara mandiri, neni maari, ndiye unoɓereka ɀiɓereko ɀakawanda; nokuti kunze kwaŋgu hamugoni kuita cinhu. Kana munhu asiŋgagari mandiri, unorashwa kunze seɗaʋi, ndokuwoma; ʋanoaʋuŋganidza, ndokuakandira mumŋoto, atȿe. Kana mucigara mandiri, namashoko aŋgu acigara mamuri, kumbirai ɀamunoɗa, mucaɀiitirwa. Ƃaɓa ʋaŋgu ʋanokudzwa naiɀoɀi, kuti muɓereke ɀiɓereko ɀakawanda; ʋuye mucaʋa ʋadzidzi ʋaŋgu. Ƃaɓa seɀaʋakandiɗa, neni ndakakuɗai; garai muruɗo rwaŋgu. Kana muciceŋgeta mirairo yaŋgu, mucagara muruɗo rwaŋgu, seni ndaiceŋgeta mirairo yaƂaɓa ʋaŋgu, ndicigara muruɗo rwaʋo. Ɀinhu iɀoɀi ndakaɀitaura kwamuri, kuti mufaro waŋgu ugare mamuri, nomufaro wenyu uzadzike.

Verenga chikamu Johane 15

Zvemahara. Hurongwa neZviverengwa zveKuzvipira maringe neJohane 15:4-11