Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 14:1-5

Johane 14:1-5 SUB1949

Mŋoyo yenyu irege kumanikidzwa; tendai kunaMŋari, mutende ʋo kwandiri. Mumba maƂaɓa ʋaŋgu munenɀimbo zhinji dzokugara; ɗai kusaiʋa kuɗaro, ndiŋgaɗai ndaikuʋudzai; nokuti ndinoenda kundokugadzirirai pokugara. Kana ndaenda kundokugadzirirai pokugara, ndinozoʋuya ɀe, ndikugamucirei kwandiri; kuti apo pandiri, nemi mugoʋa’po ʋo. Napandinoenda’po, imi munoziʋa nzira. Tomasi akati kwaari: Ishe, hatiziʋi pamunoenda; nzira tiŋgaiziʋa seiko?

Verenga chikamu Johane 14