Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Johane 13:1-7

Johane 13:1-7 SUB1949

Ɀino mutambo wepaseka usati waȿika, Jesu wakaziʋa kuti ŋguʋa yake yaȿika, kuti abve munyika ino, aende kunaƂaɓa, ɀaakaŋga aiɗa ʋanhu ʋake ʋaiʋa munyika, wakaʋaɗa kuȿikira pakuguma. Ɀino ʋakati ʋorayira, Diaborosi atoisa mumŋoyo maJudasi Iskarioti, mŋanakomana waSimoni, kuti amupandukire; Jesu aciziʋa kuti Ƃaɓa ʋakamupa ɀinhu ɀose mumaʋoko ake, ʋuye kuti wakabva kunaMŋari, ʋuye kuti unoenda kunaMŋari; akasimuka pakurayira, akabvisa ŋguʋo dzake, akatora muceka, akaɀisuŋga ciʋuno. Ɀino akaɗira mvura mumudziyo, akataŋga kushambidza tsoka dzaʋadzidzi ʋake, akadzipisika nomuceka, waakaŋga akaɀisuŋga nawo. Akaȿika kunaSimoni Petro, iye akati kwaari: Ishe, imi moshambidza tsoka dzaŋgu kanhi? Jesu akapindura, akati kwaari: Candinoita hauciziʋi ɀino; asi ucaɀinzwisisa pashure.

Verenga chikamu Johane 13