Tarirai, mazuʋa anoʋuya — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andicaita shoko iro rakanaka randakataura pamsoro peimba yaIsraeri napamsoro peimba yaJuda. Namazuʋa iwayo, neŋguʋa iyo, ndicamedzera Davidi ɗaʋi rokururama; iye ucaruramisira ʋanhu nokuita ɀakarurama panyika. Namazuʋa iwayo Juda ʋacaponeswa, Jerusarema ricagara rakaceŋgetwa; zita raricatumidzwa ndireri: Jehova ndiye kururama kweɗu. Nokuti ɀanzi naJehova: Davidi haaŋgatoŋgoshaiwi munhu unogara pacigaro coʋushe ceimba yaIsraeri; naʋaprista ʋaRevi haʋaŋgashaiwi munhu pamberi paŋgu uŋgapisa ɀipiriso ɀinopiswa nokupisa ɀipiriso ɀoʋupfu, nokugara aciɓayira. Ɀino shoko raJehova rakaȿika kunaJeremia, riciti: Ɀanzi naJehova: Kana muŋgagona kuputsa suŋgano yaŋgu yamasikati nesuŋgano yaŋgu yoʋusiku, kukarega kuʋa namasikati noʋusiku neŋguʋa yaɀo; ipapo suŋgano yaŋgu naDavidi muranda waŋgu iŋgaputswa ʋo, akasaʋa nomŋanakomana uŋgaɓata ʋushe pacigaro cake coʋushe; saiɀoɀo ʋo naʋaRevi, ʋaprista, ʋashumiri ʋaŋgu. Hondo yokuɗeŋga seɀaisiŋgabviri kuʋereŋgwa, kana jeca reguŋgwa kuyerwa, saiɀoɀo ndicawanza ʋana ʋaDavidi muranda waŋgu, naʋaRevi ʋanondishumira.
Verenga chikamu Jeremia 33
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Jeremia 33:14-22
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo