Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jeremia 29

29
Rugwaro rwaJeremia kuʋaJuda ʋakatapxa.
1Ɀino awa ndiwo mashoko orugwaro rwakatumŋa nomuprofita Jeremia ari paJerusarema kuʋakuru ʋakaŋga ʋasara kunaʋakatapxa, nokuʋaprista nokuʋaprofita, nokuʋanhu ʋose, ʋakaŋga ʋakatapxa paJerusarema naNebukadnezari, ʋakaiswa Babironi, 2(Shure kwokubva paJerusarema kwamambo Jekonia, namai ʋake, naʋaranda, namacinda aJuda neeJerusarema, naʋaʋezi, naʋapfuri), 3noruʋoko rwaErasa, mŋanakomana waShafani, naGemaria, mŋanakomana waHirkia, ʋakaŋga ʋatumŋa Babironi naZedekia mambo waJuda kunaNebukadnezari mambo weBabironi, aciti: 4Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, kunaʋose ʋakatapxa, ʋandakatapisa Jerusarema ʋaiswe Babironi: 5Ɀiʋakirei dzimba, mugare’mo; simai minda, mudye ɀiɓereko ɀayo; 6wanai ʋakadzi, muɓereke ʋanakomana naʋanasikana; wanisai ʋanakomana ʋenyu ʋakadzi, naʋanasikana ʋenyu muʋaise kuʋarume, kuti ʋaɓereke ʋanakomana naʋanasikana, muwande’ko, murege kutapudzwa. 7Mutȿake rugare rweguta kwandakakutapisai, murinyeŋgeterere kunaJehova; nokuti norugare rwaro imi mucaʋa norugare ʋo. 8Nokuti ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ʋaprofita ʋenyu, ʋari pakati penyu, naʋaʋuki ʋenyu, ŋgaʋarege kukunyeŋgerai; regai kuterera kurota kwenyu kwamunoroteswa. 9Nokuti ʋanokuprofiterai nhema nezita raŋgu; ini handina‐kuʋatuma, — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 10Nokuti ɀanzi naJehova: Kana makore makumi manomŋe aperera Babironi, ndicakushanyirai, nokukusimbisirai shoko raŋgu rakanaka, ndicikudzoserai kunɀimbo ino. 11Nokuti ndinoziʋa ndaŋgariro dzandinoraŋgarira pamsoro penyu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndaŋgariro dzorugare, dzisati dziri dzeɀakaipa, kuti ndikupei mugumo unetariro. 12Mucaɗana kwandiri, mucandonyeŋgetera kwandiri, neni ndicakunzwai. 13Mucanditȿaka, mukandiwana, kana mucinditȿaka nomŋoyo wenyu wose. 14Ndicawanikwa nemi — ndiɀo ɀinotaura Jehova — ndicakudzosai pakutapxa kwenyu, nokukuʋuŋganidzai kumarudzi ose, nokunɀimbo dzose kwandakaŋga ndakudziŋgirai — ndiɀo ɀinotaura Jehova; ndicakudzoserai ɀe kunɀimbo kwandakaŋga ndakutapisai. 15Ɀamakati: Jehova wakatimutsira ʋaprofita paBabironi; 16ɀanzi naJehova pamsoro pamambo ugere pacigaro coʋushe caDavidi, napamsoro paʋanhu ʋose ʋagere muguta rino, idzo hama dzenyu dzisina‐kuenda nemi pakutapxa kwenyu; 17ɀanzi naJehova wehondo: Tarirai, ndicatuma pamsoro paʋo munondo, nenzara, nehosha yakaipa, ndicaʋaita samaʋonde akaipa kwaɀo, asiŋgabviri kudyiwa nokuipa kwawo. 18Ndicaʋateʋerera nomunondo, nenzara, nehosha yakaipa; ndicaʋaita cinhu cinotyisa ʋushe bgose bgenyika, ʋaʋe cinhu cinotukwa, necishamiso, necinoridzirwa muridzo, necinoshoʋorwa pakati pamarudzi ose kwandakaʋadziŋgira; 19ɀaʋasina‐kuterera mashoko aŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — andakatuma kwaʋari naʋaranda ʋaŋgu ʋaprofita, ndicimuka maŋgwanani ndiciʋatuma; asi makaramba kuterera — ndiɀo ɀinotaura Jehova. 20Naiɀoɀo cinzwai shoko raJehova, imi mose makatapxa, ʋandakadziŋga paJerusarema ndikaʋaisa Babironi.
21Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri, pamsoro paAhabi mŋanakomana waKoraia, napamsoro paZedekia mŋanakomana waMaaseia, ʋanokuprofiterai nhema nezita raŋgu: Tarirai, ndinoʋaisa muruʋoko rwaNebukadrezari mambo weBabironi; iye ucaʋaʋuraya pamberi penyu; 22ʋatapxa ʋose ʋaJuda, ʋari Babironi, ʋacatora kwaʋari shoko rokutuka naro, ʋaciti: Jehova akuite saZedekia ʋuye saAhabi, ʋakagocwa pamŋoto namambo weBabironi; 23nokuti ʋakaita noʋupenzi pakati paIsraeri, ʋakaita ʋupombge naʋakadzi ʋoʋokwaʋo, ʋakareʋa mashoko enhema nezita raŋgu, andisina‐kuʋaraira; ini ndini ndinoziʋa, ndini capupu — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
24Ɀino kunaShemaia muNeheramite, unofanira kutaura uciti: 25Ɀanzi naJehova wehondo, Mŋari waIsraeri: Ɀawakatuma magwaro nezita rako kuʋanhu ʋose ʋari paJerusarema, nokunaZefania mŋanakomana womuprista Maaseia, nokuʋaprista ʋose, uciti: 26Jehova wakakuita muprista panɀimbo yomuprista Jehoiada, kuti mumba maJehova muʋe naʋatariri, kuti usuŋge mumatanda namaketani mumŋe nomumŋe unopeŋga, aciɀiita muprofita; 27ko ɀino wakaregerei kutuka Jeremia weAnatoti, unoɀiita muprofita pamberi penyu, 28ɀaakatuma shoko kwatiri paBabironi, aciti: Ŋguʋa irefu, ʋakai dzimba mugare’mo; simai minda, mudye ɀiɓereko ɀayo? 29Ɀino muprista Zefania akaraʋira muprofita Jeremia rugwaro urwu. 30Ipapo shoko raJehova rakaʋuya kunaJeremia, riciti: 31Tumira ʋakatapxa ʋose shoko rinoti: Ɀanzi naJehova pamsoro paShemaia muNeheramiti: Shemaia ɀaakakuprofiterai, ini ndisina‐kumutuma, akakutendisai nhema, 32naiɀoɀo ɀanzi naJehova: Tarirai, ndicaroʋa Shemaia muNeheramiti, naʋana ʋake; haaŋgaʋi nomunhu uŋgagara pakati paʋanhu aʋa, ʋuye haaŋgaʋoni ɀakanaka ɀandicaitira ʋanhu ʋaŋgu — ndiɀo ɀinotaura Jehova — nokuti wakataura zinomukira Jehova.

Zvasarudzwa nguva ino

Jeremia 29: SUB1949

Sarudza vhesi

Pakurirana nevamwe

Sarudza zvinyorwa izvi

None

Unoda kuti zviratidziro zvako zvichengetedzwe pamidziyo yako yose? Nyoresa kana kuti pinda