Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 6:19-32

Ʋatoŋgi 6:19-32 SUB1949

Ipapo Gideoni akapinda, akandogadzira mbudzana neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa ɀeefa imŋe yoʋupfu; akaisa nyama muɗeŋgu, nokuɗira muto muhari; akamuʋigira iɀoɀo pasi pomuouki, ndokumupa iɀoɀo. Asi mutumŋa waJehova akati kwaari: Tora nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, uɀiise paɗombo iri, ugoɗurura ʋo muto. Iye akaita saiɀoɀo. Ɀino mutumŋa waJehova ndokutambanudza muromo wetȿimbo, yakaŋga iri muruʋoko rwake, akagunɀa nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa, mŋoto ukaɓuɗa paɗombo, ukapedza nyama neɀiŋgwa ɀisina‐kuʋiriswa. Mutumŋa waJehova ndokunyaŋgarika pamberi pake. Ipapo Gideoni akaʋona kuti mutumŋa waJehova. Gideoni akati: Haiwa, Jehova Mŋari! nokuti ndaʋona mutumŋa waJehova ɀiso ɀakatarisana. Asi Jehova wakati kwaari: Rugare ŋgaruʋe newe, usatya, hauŋgafi. Ipapo Gideoni akaʋakira’po Jehova artari, akaitumidza zita rinonzi Jehova‐sharomi; iciri’po paOfra raʋaAbiezeri kuȿikira nhasi. Ɀino noʋusiku ibgobgo Jehova akati kwaari: Tora nzombe yaɓaɓa ʋako, iya yecipiri inamakore manomŋe, uputse artari yaBaari yaɓaɓa ʋako, uteme ʋo ɗanda rokunamata naro riri’po. Uʋakire Jehova Mŋari wako artari pamsoro penhare iyi, nomutoʋo wakafanira, ugotora nzombe iyo yecipiri, uɓayire cipiriso cinopiswa nehuni dzeɗanda rokunamata naro raunofanira kutema. Ipapo Gideoni akatora ʋarume ʋanegumi kuʋaranda ʋake, akaita seɀaakaʋudzwa naJehova; asi haana‐kuita iɀoɀo masikati, asi wakaɀiita ʋusiku, nokuti wakatya ʋeimba yaɓaɓa ʋake naʋarume ʋeguta. Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati ʋacimuka maŋgwanani, ʋakaʋona artari yaBaari yaputswa, neɗanda rokunamata naro raiʋa’po ratemŋa, nenzombe yecipiri yaɓayirwa paartari yakaŋga yaʋakwa’po. Ʋakataurirana, ʋakati: Ndianiko wakaita cinhu ici? Ʋakati ʋacinɀera nokubvunzisisa, ɀikanzi: Gideoni mŋanakomana waJoashi, ndiye wakaita cinhu ici. Ɀino ʋarume ʋeguta ʋakati kunaJoashi: Ƃuɗisa mŋanakomana wako, afe, nokuti waputsa artari yaBaari, ʋuye watema ɗanda rokunamata naro raiʋa’po pairi. Asi Joashi wakati kunaʋose ʋakaŋga ʋacimupopotera: Moɗa kurwira Baari kanhi? Moɗa kumuponesa? Unomurwira ucaʋurawa maŋgwanani ano; kana ari mŋari, ŋgaaɀirwire amene, ɀaakaputsirwa artari yake nomunhu. Saka nomusi iwoyo akamutumidza zita rinonzi Jerubaari, aciti: Baari ŋgaarwe naye, ɀaakaputsa artari yake.

Verenga chikamu Ʋatoŋgi 6