Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 3:12-31

Ʋatoŋgi 3:12-31 SUB1949

Ɀino ʋana ʋaIsraeri ʋakaita ɀe ɀakaipa pamberi paJehova, Jehova akasimbisa Egroni, mambo waMoabi, kuti arwe naʋaIsraeri, nokuti ʋakaŋga ʋaita ɀakaipa pamberi paJehova. Akaʋuŋganidza kwaari ʋana ʋaAmoni naʋaAmareki, akandokunda ʋaIsraeri, ʋakaʋatorera guta remicindwe. Ʋana ʋaIsraeri ʋakashumira Egroni, mambo waMoabi, makore anegumi namasere. Asi ʋana ʋaIsraeri ʋakati ʋacicema kunaJehova, Jehova akaʋamutsira muponesi, iye Ehudi, mŋanakomana waGera, muBenjamini, munhu waiʋa neziɓoshwe; ʋana ʋaIsraeri ʋakatumira Egroni, mambo waMoabi, cipo naye. Ɀino Ehudi wakaɀiitira munondo wakaŋga wakarodzwa kunhiʋi dzose, wakaŋga wakaȿika kubiti rimŋe pakureɓa kwawo; akausuŋgira pasi peŋguʋo dzake pacidɀa corudyi. Ipapo akandopa Egroni, mambo waMoabi, cipo; Egroni wakaŋga ari munhu wakakora kwaɀo. Ɀino wakati apedza kumupa cipo, akaendisa ʋanhu ʋakaŋga ʋakatakura cipo. Asi iye amene wakadzoka pamifananidzo yakaʋezwa yamabge paGirgari, akati: Ndineshoko rakaʋanzika nemi mambo. Iye akati: Nyararai. Ipapo ʋose ʋakaŋga ʋamire naye ʋakabva kwaari. Ɀino Ehudi akasweɗera kwaari; iye wakaŋga agere ari oga muimba yake inotonhorera; Ehudi akati: Ndineshoko kwamuri rinobva kunaMŋari. Iye ndokusimuka pacigaro cake. Ipapo Ehudi akatambanudza ruʋoko rwake rworuɓoshwe, akavomora munondo pacidɀa cake corudyi, akamuɓaya nawo nomuɗumbu rake; ciɓato cikapinda ʋo ciciteʋera cese, mafuta akadziʋira pamsoro pecese, nokuti haana‐kuvomora munondo muɗumbu rake, mafuta akaɓuɗa. Ɀino Ehudi akaɓuɗa paɓiraʋira, akapfiga mikoʋa yeimba yokumsoro shure kwake, akaikiya. Wakati aɓuɗa, ʋaranda ʋake ʋakaȿika, ʋakawana mikoʋa yeimba yokumsoro yakapfigwa; ʋakati: Ɀimŋe unofukidza makumbo ake paimba yake inotonhorera. Ɀino ʋakamira kuȿikira ʋapera mano, asi haana‐kuzarura mikoʋa yeimba yokumsoro; ipapo ʋakatora kiyi, ʋakazarura mukoʋa, ʋakawana ishe waʋo akawira pasi, afa. Asi iʋo ʋacanonoka, Ehudi akapukunyuka, akapfuʋura mifananidzo yakaʋezwa yamabge, akapukunyukira Seira. Wakati aȿika’po, akaridza hwamanda panyika yamakomo yaEfraimi, ʋana ʋaIsraeri ʋakaɓuruka naye panyika yamakomo, iye akaʋatuŋgamirira. Akati kwaʋari: Nditeʋerei, nokuti Jehova wakaisa ʋaMoabi, ʋaʋeŋgi ʋenyu, mumaʋoko enyu. Ʋakaɓuruka ʋacimuteʋera, ʋakandogarira mazambuko aJoridani paiyambukira ʋaMoabi, ʋakasatendera munhu mumŋe kuyambuka. Neŋguʋa iyo ʋakaʋuraya ʋarume ʋaMoabi ʋaneŋge ɀuru ɀinegumi, ʋose ʋari ʋarume ʋanesimba noʋoʋumhare, hakunomunhu mumŋe wakapukunyuka. Naiɀoɀo ʋaMoabi ʋakakundwa musi iwoyo noruʋoko rwaʋaIsraeri, nyika ikazorora makore anamakumi masere. Shure kwake kwakaŋga kunaShamgari, mŋanakomana waAnati, wakaʋuraya kuʋaFiristia ʋanamazana matanhatu norutanda rwokuɓaya ŋombe narwo; iye akaponesa ʋo ʋaIsraeri.

Verenga chikamu Ʋatoŋgi 3