Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Ʋatoŋgi 16:15-31

Ʋatoŋgi 16:15-31 SUB1949

Iye akati kwaari: Ɀino uŋgataura seiko uciti: Ndinokuɗa, kana mŋoyo wako usiŋganditendi? Ɀino wandiɗaɗira katatu, usiŋgandiʋudzi kuti simba rako guru rinobvepi. Ɀino wakati aciŋgomutambudza mazuʋa ose namashoko ake, acimugombedzera, mŋoyo wake ukanetswa kuȿikira pakufa. Akamuʋudza nomŋoyo wake wose akati kwaari: Musoro waŋgu hauna‐kutoŋgoʋeʋurwa neciȿo, nokuti ndiri muNaziri waMŋari kubva paɗumbu ramai ʋaŋgu; kana ndikaʋeʋurwa, simba raŋgu ricabva kwandiri, ndiŋgashaiwa simba, ndikaita somumŋe munhu. Ɀino Derira wakati aʋona kuti wamuʋudza nomŋoyo wake wose, akatuma munhu kundoɗana madzishe aʋaFiristia, akati: Kwirai henyu ʋuno ŋguʋa ino, nokuti wandiʋudza nomŋoyo wake wose. Ipapo madzishe aʋaFiristia akakwira kwaari, ʋakaʋuya nemari mumaʋoko aʋo. Iye akamuʋatisa pamabvi ake, akaɗana munhu kuzoʋeʋura mhotsi nomŋe dzevudzi romusoro wake; akataŋga kumumanikidza; simba rake rikabva kwaari. Akati: Samsoni, ʋaFiristia ʋaȿika! Ipapo Samsoni akapepuka pahope dzake, akati: Ndicaɓuɗa ŋguʋa ino ʋo sapanedzimŋe ŋguʋa, ndikaɀisunuŋgura; asi wakaŋga asiŋgaziʋi kuti Jehova wakaŋga abva kwaari. Ɀino ʋaFiristia ʋakamuɓata, ʋakamutumbura meso, ʋakaɓuruka naye Gaza, ndokumusuŋga neɀisuŋgo ɀendarira, akakuya mutoroŋgo. Asi vudzi romusoro wake rakataŋga kureɓa ɀe shure kwokuʋeʋurwa kwake. Ɀino madzishe aʋaFiristia akaʋuŋgana pamŋe cete kuzoɓayira Dagoni mŋari waʋo ciɓayiro cikuru, ndokufara; nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu Samsoni. Ɀino ʋanhu ʋakati ʋacimuʋona, ʋakarumbidza mŋari waʋo, nokuti ʋakati: Mŋari weɗu wakaisa mumaʋoko eɗu muʋeŋgi weɗu, nomuparadzi wenyika yeɗu, wakaʋuraya ʋazhinji ʋeɗu. Ɀino mŋoyo yaʋo yakati yofara, ʋakati: Ciɗanai Samsoni, atitambire. Ʋakandoɗana Samsoni mutoroŋgo, akatamba pamberi paʋo, ʋakamuisa pakati pembiru. Ɀino Samsoni akati kumukomana wakaŋga akaɓata ruʋoko rwake: Nditendere kuti ndiɓate mbiru dzakatsigira imba, ndisendamire padziri. Ɀino imba yakaŋga izere naʋarume naʋakadzi; namadzishe aʋaFiristia akaŋga ari’mo ose; napamsoro peɗeŋga pakaŋga panaʋarume naʋakadzi ʋaneŋge ɀuru ɀitatu, ʋakaŋga ʋacitarira kutamba kwaSamsoni. Ipapo Samsoni akaɗana kunaJehova akati: Ishe Mŋari, ndiraŋgarirei henyu, ndisimbisei henyu ŋguʋa ino ɓedzi, imi Mŋari, nditsiʋirwe meso aŋgu maʋiri kuʋaFiristia. Samsoni akaɓata mbiru mbiri dzapakati, dzakaŋga dzakatsigira imba, akadzisunda, imŋe noruʋoko rwake rworudyi neimŋe noruʋoko rwake rworuɓoshwe. Ipapo Samsoni akati: Ŋgandife haŋgu pamŋe cete naʋaFiristia. Akakotama nesimba rake rose, imba ikawira pamsoro pamadzishe, napamsoro paʋanhu ʋaiʋa’mo. Naiɀoɀo ʋakafa ʋaakaʋuraya pakufa kwake, ʋakaŋga ʋari ʋazhinji kunaʋakaʋurawa naye aciri mupenyu. Ɀino hama dzake, naʋose ʋeimba yaɓaɓa ʋake, ʋakaɓuruka, ʋakamutora, ʋakakwira naye, ndokumuʋiga pakati peZora neEshtaori, pabgiro bgaManoa, ɓaɓa ʋake. Iye wakatoŋga ʋaIsraeri makore anamakumi maʋiri.