Ɀino Samsoni wakaɓurukira Timna naɓaɓa ʋake namai ʋake, ʋakaȿika paminda yemizambiriŋga paTimna; ʋonei mŋana weshumba ukamuʋombera. Ipapo Mŋeya waJehova wakaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaibvambura sembudzana; ɀino wakaŋga asinecinhu muruʋoko rwake; asi haana‐kuʋudza ɓaɓa ʋake kana mai ʋake ɀaakaŋga aita. Akaɓuruka, akandotaura nomukadzi, iye akafadza Samsoni kwaɀo. Ɀino ŋguʋa yakati yapfuʋura, akadzoka kuzomutora, akatsauka kuzoʋona citunha ceshumba, ndokuʋona ɓumha renyuci mucitunha ceshumba, noʋuci. Akabgutora namaʋoko ake, akaenda acidya; akaȿika kunaɓaɓa ʋake namai ʋake, akaʋapa ʋakadya ʋo; asi haana‐kuʋaʋudza kuti wakaŋga aɓura ʋuci mucitunha ceshumba. Ƃaɓa ʋake ʋakaɓurukira kumukadzi, Samsoni akagadzira’po mutambo, nokuti majaya aisiita saiɀoɀo. Ɀino ʋakati ʋacimuʋona, ʋakaʋuya neshamŋari dzinamakumi matatu kuzoʋa naye. Samsoni akati kwaʋari: Ndikutaurirei cirabge ɀino; kana mukagona kundiɗudzira ico pamazuʋa manomŋe omutambo, mukawana ɗudziro yaco, ini ndicakupai ŋguʋo dzomuceka dzinamakumi matatu, nehanzu dzakanaka dzinamakumi matatu. Asi kana musiŋgagoni kundiɗudzira ico, imi mucafanira kundipa ŋguʋo dzomuceka dzinamakumi matatu, nehanzu dzakanaka dzinamakumi matatu. Iʋo ʋakati kwaari: Citaura hako cirabge cako, ticinzwe. Akati kwaʋari:
Cokudya cakaɓuɗa kumudyi,
Ʋuye ɀinotapira ɀakaɓuɗa kunounesimba.
Asi ʋakaŋga ʋasiŋgagoni kuɗudzira cirabge ico namazuʋa matatu. Ɀino nezuʋa recinomŋe ʋakati kumukadzi waSamsoni: Nyeŋgetedza murume wako, atiɗudzire cirabge, tirege kukupisa nomŋoto, iwe naʋeimba yaɓaɓa ʋako; makatiɗana kuti mutitorere ɀatinaɀo kanhi? Ndiɀo here? Ipapo mukadzi waSamsoni wakacema kumurume wake, akati: Unondiʋeŋga hako, haundiɗi; wakataurira ʋana ʋaʋanhu ʋangu cirabge, asi hauna‐kundiʋudza ico ini. Akati kwaari: Tarira, handina‐kuciʋudza ɓaɓa ʋaŋgu kana mai ʋaŋgu; ɀino ndiŋgakuʋudza ico iwe here? Akaramba acicema kwaari mazuʋa manomŋe paŋguʋa yomutambo; ɀino nezuʋa recinomŋe akamuʋudza, nokuti wakamutambudza kwaɀo; ipapo akandoʋudza ʋana ʋaʋanhu ʋake cirabge ico. Nezuʋa recinomŋe zuʋa ricigere kuʋira, ʋarume ʋeguta ʋakati kwaari: Ko cinotapira kukunda ʋuci cinyi? Ʋuye cinesimba kukunda shumba cinyiko? Iye akati kwaʋari:
Ƌai musina‐kurima netsiru raŋgu,
Hamuzaiwana cirabge caŋgu.
Mŋeya waJehova akaʋuya pamsoro pake nesimba guru, akaɓurukira Ashkeroni, akaʋuraya ʋarume ʋanamakumi matatu kwaʋari, akatora ŋguʋo dzaʋo, akandopa ʋakaɗudzira cirabge hanzu dzaʋo dzakanaka. Asi kutsamŋa kwake kwakaŋga kwamutswa kwaɀo, akadzokera kumba kwaɓaɓa ʋake. Asi mukadzi waSamsoni akapiwa shamŋari yake, wakaŋga amuperekedza.