Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Jakobo 1:19-26

Jakobo 1:19-26 SUB1949

Munoɀiziʋa henyu iɀoɀi, hama dzaŋgu dzinoɗikanwa. Asi munhu mumŋe nomumŋe ŋgaakurumidze kunzwa, anonoke kutaura, anonoke kutsamŋa; nokuti kutsamŋa kwomunhu hakuiti kururama kwaMŋari. Saka bvisai tȿina yose nokuipa kwakawanda, mugamucire nomŋoyo munyoro shoko rakasimŋa mukati menyu, rinogona kuponesa mŋeya yenyu. Asi iʋai ʋaiti ʋeshoko, musaʋa ʋanzwi ʋoga, muciɀinyeŋgera. Nokuti kana munhu ari munzwi weshoko, asati ari muiti waro, wakafanana nomunhu unoʋona ciso cake, caakaɓerekwa naco, muciʋoniʋoni. Nokuti unoɀiʋona, ndokuenda, ndokukaŋganwa pakarepo kuti wakaɗini iye. Asi munhu unocerekedza murairo wakakwana, iwo murairo wokusunuŋgurwa, akaramba aciɗaro, asati ari munzwi, unokaŋganwa, asi muiti weɓasa, iye ucaropafadzwa paneɀaanoita. Kana munhu aciti ndinonamata Mŋari, asiŋgadzori rurimi rwake, asi acinyeŋgera mŋoyo wake, kutenda kwaiyeyo munhu hakunamaturo.

Verenga chikamu Jakobo 1