Hapaŋgazoʋi’po rushiye runamazuʋa mashoma, kana mutana usino‐kuȿitsa mazuʋa ake; nokuti mŋana ucafa apedza makore anezana, nomutadzi ucarobga nokutukwa kana aȿika makore anezana. Ʋacaʋaka dzimba nokugara’mo; ʋacasima minda yemizambiriŋga, nokudya micero yayo. Haʋaŋgaʋaki dzimba, mumŋe acizogara’mo; haʋaŋgasimi, mumŋe acizodya; nokuti samazuʋa omuti, ndiɀo ɀicaita mazuʋa aʋanhu ʋaŋgu; ʋasanaŋgurwa ʋaŋgu ʋacapedza ŋguʋa huru ʋacifarira maɓasa amaʋoko aʋo. Haʋaŋgaɓatiri ɀisinamaturo, kana kuɓereka ʋana, ʋacakurumidza kuparadzwa; nokuti ndiʋo ʋana ʋaʋakaropafadzwa naJehova, ɀiɓereko ɀaʋo ɀicagara naʋo. Ɀino ndicapindura ʋasati ʋaɗana, ndicanzwa ʋacataura. Ƃere negwaiana ɀicafura pamŋe cete, shumba icadya ʋuswa senzombe, ʋuye guruʋa ricaʋa ɀokudya ɀenyoka. Haʋaŋgakuʋadzi kana kuparadza pagomo raŋgu rose dɀene — ndiɀo ɀinotaura Jehova.
Verenga chikamu Isaya 65
Pakurirana nevamwe
Enzanisa mhando yose: Isaya 65:20-25
Chengetedza mavhesi, verenga usiri pamasaisai, wona mavhidhiyo ezvidzidzo uye zvakawanda!
Pekutangira
Bhaibheri
Zvirongwa
Mavideo