Tarirai, ruʋoko rwaJehova haruna‐kufupiswa, kuti rukoniwe kuponesa, nzeʋe yake hainakuremerwa, kuti ikoniwe kunzwa; asi ɀakaipa ɀenyu ɀakakuparadzanisai naMŋari wenyu, ɀiʋi ɀenyu ɀakakuʋanzirai ciso cake, kuti arege kunzwa. Nokuti maʋoko enyu akaȿiɓiswa neropa, neminwe yenyu neɀakaipa; miromo yenyu yakareʋa nhema, rurimi rwenyu runoŋuŋuna ɀakashata. Hakunomunhu unokwirira mumŋe nokururama, hakuna‐unoreʋerera mumŋe neɀokwaɗi; ʋanoʋimba neɀisinamaturo, ʋacireʋa nhema; ʋanotora mimba yeɀakashata, ndokuɓereka ɀakaipa. Ʋanococonya mazai emvumbi, ʋanoruka ɗandira reɓuʋe; unodya mazai aʋo ucafa, kana ricipxanyika rinoɓuɗisa nyoka. Matandira aʋo haaŋgaiti ŋguʋo, haʋaŋgafuki ɀaʋakaita; maɓasa aʋo maɓasa eɀakaipa, kuita nesimba ndiɀo ɀiri pamaʋoko aʋo. Tsoka dzaʋo dzinomhanyira ɀakaipa, ʋanokurumidza kuteʋura ropa risinemhaka; ndaŋgariro dzaʋo indaŋgariro dzeɀakaipa; kuparadza nokuputsanya ɀiri panzira dzaʋo. Nzira yorugare haʋaiziʋi; hakunokururama pakufamba kwaʋo; ʋakaɀiitira nzira dzakaminama, aninani unofamba nadzo haaziʋi rugare. Naiɀoɀo kururamisirwa kuri kure nesu, nokururama hakuȿikiri kwatiri; tinotȿaka ciedza, asi, tarirai, rima ɓedzi; tinotȿaka kubginya, asi tinofamba pakaȿiɓa. Tinotȿaŋgadzira pamadziro samapofu; ɀirokwaɀo tinotȿaŋgadzira saʋasinameso; tinogumburwa masikati seɀatinoita kana kwoȿiɓa; pakati paʋapenyu takafanana naʋakafa. Tinoʋomba tose samapere, tinocema ɀikuru senjiʋa; tinotȿaka kururamisirwa, asi hakuna; tinotȿaka ruponeso, asi ruri kure nesu. Nokuti kuɗarika kweɗu kwakawanda pamberi penyu, ɀiʋi ɀeɗu ɀinotipupurira; nokuti kuɗarika kweɗu kunesu, kana ɀiri ɀakaipa ɀeɗu tinoɀiziʋa, ɀinoti: Kuɗarikira Jehova nokumuramba, nokutsauka tisiŋgateʋeri Mŋari weɗu, kutaura mashoko okumanikidza nokumukira, kufuŋga nokutaura mashoko enhema anobva pamŋoyo. Kururamisa kwakadzoswa shure, kururama kumire kure; nokuti ɀokwaɗi yakawira pasi panzira yomumusha, kutendeka hakugoni kupinda. Ɀirokwaɀo, ɀokwaɗi inoshaikwa; unotiza ɀakaipa unopambga; Jehova wakaɀiʋona, ɀikasamufadza kuti kwakaŋga kusina‐kururamisa. Akaʋona kuti hakunomunhu, akashamiswa nokuti kwakaŋga kusinomureʋereri; naiɀoɀo ruʋoko rwake rwakamuʋigira ruponeso, kururama kwake kwakamutsigira. Wakashoŋga kururama secidzitiro cecifuʋa, neŋgowani yoruponeso pamusoro wake, akafuka ŋguʋo dzokutsiʋa ɀikaʋa ɀokufuka ɀake, akapfekedzwa nokushiŋgaira sejasi. Seɀaʋakaita, ucaʋaripira saiɀoɀo, kutsamŋa kuʋadziʋisi ʋake, nokutsiʋa kuʋaʋeŋgi ʋake; ɀiwi ucaɀiripira muɓairo wokutsiʋa. Naiɀoɀo ʋacatya zita raJehova kubva kumaʋirazuʋa, noʋumambo bgake kubva kumabvazuʋa; nokuti ucaʋuya sorwizi runoɗira, runotinhwa nomŋeya waJehova. Ɀino Mudzikinuri ucaȿika paZioni, nokunaʋanodzoka pakuɗarika pakati paJakobo, — ndiɀo ɀinotaura Jehova. Ɀino kana ndirini, iyi ndiyo suŋgano yaŋgu naʋo — ndiɀo ɀinotaura Jehova: Mŋeya waŋgu, uri pamsoro pako, namashoko aŋgu andakaisa mumuromo mako, haɀiŋgabvi mumuromo mako, kana mumiromo yaʋana ʋako, kana mumiromo yaʋana ʋaʋana ʋako, kubva ɀino kuȿikira nokusiŋgaperi — ndiɀo ɀinotaura Jehova.