Mufananidzo weYouVersion
Mucherechedzo Wekutsvaka

Isaya 43:1-5

Isaya 43:1-5 SUB1949

Asi ɀino ɀanzi naJehova, wakakusika, iwe Jakobo, wakakuʋumba, iwe Israeri: Usatya hako, nokuti ndakakudzikinura; ndakakuɗana nezita rako, uri waŋgu. Kana ucipinda nomumvura zhinji, ndicaʋa newe, kana nomunzizi, hadziŋgakunyudzi; kana ucifamba nomumŋoto, hauŋgatȿi, nomuraɀo hauŋgakupisi. Nokuti ndini Jehova Mŋari wako, Mutȿene waIsraeri, Muponesi wako; ndakaisa Egipita ruʋe rudzikinuro rwako, Etiopia neSeba panɀimbo yako. Ɀawakaŋga ucikosha pamberi paŋgu, ucikudzwa nokuɗikanwa neni, naiɀoɀo ndicaisa ʋanhu panɀimbo yako, namarudzi aʋanhu panɀimbo yoʋupenyu bgako. Usatya hako, nokuti ndinewe; ndicaʋuyisa ʋana ʋako ʋabve kumabvazuʋa, nokukuʋuŋganidza ubve kumaʋirazuʋa

Verenga chikamu Isaya 43